RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 April p. 32
  • Nyatsobatsirwa Nemifananidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyatsobatsirwa Nemifananidzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • “Mufananidzo Uyu Wakanaka!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Tsamba Inobva kudare Rinotungamirira
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kushandisa Zvakanaka Zvinhu Zvinooneka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Dhiyabhorosi Anogarepi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 April p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Nyatsobatsirwa Nemifananidzo

Mabhuku edu akazara nemifananidzo inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Zvii zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nemifananidzo iyi?

  • Usati waverenga nyaya, tanga nekutarisa mifananidzo. Mifananidzo iyi inogona kuita kuti uve nechido chekuverenga nyaya yacho. Kana ukaona zvekudya zvinonaka unobva wanzwa kuda kuzvidya. Saizvozvowo, kana ukatanga watarisa mifananidzo iri munyaya yacho unogona kubva wanzwa kuda kuiverenga. Saka usati waverenga imwe nyaya zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandiri kuona pamifananidzo?’—Amo. 7:​7, 8.

  • Paunenge wava kuverenga nyaya yacho, ramba uchifunga kuti nei mifananidzo yacho yakaiswa. Verenga mashoko anotsanangura mufananidzo wacho kana aripo. Funga kuti mufananidzo wacho unobatana sei nenyaya iri kukurukurwa uye kuti ungashandisa sei zvawadzidza pamufananidzo wacho muupenyu hwako.

  • Kana wapedza kuverenga, shandisa mifananidzo kuti udzokorore pfungwa huru dzawadzidza. Edza kuyeuka mifananidzo yacho nemusoro uye kuti mufananidzo mumwe nemumwe wakudzidzisei.

  • Wadii wamboedza kutarisa mifananidzo iri mumagazini ino woona kana uchikwanisa kuyeuka zvawadzidza?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe