RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp24 nha. 1 pp. 14-15
  • Tinofanira Kusarudza Kuti Tichateerera Ani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kusarudza Kuti Tichateerera Ani
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinonzi neBhaibheri Zvakanaka Uye Zvarinoti Zvakaipa Zvichiri Kushanda Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Shumira Jehovha Maererano Nezvaanoda Zvakanaka Chaizvo
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Vanhu vaJehovha Vanoda Kururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Ungavimba Nemwero Yetsika Dzaani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
wp24 nha. 1 pp. 14-15
Murume amboratidzwa munyaya dzapfuura ava pamusoro pegomo uye akatarisa kure achifara.

Tinofanira Kusarudza Kuti Tichateerera Ani

Zvatinosarudza muupenyu zvichaita kuti tifare kana kuti tisafara. Jehovha Mwari anozviziva izvozvo. Ndosaka achida kuti tirarame tichiteerera mitemo yake.

Jehovha anoda kuti tifare uye tive nerugare.

“Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, iye anokudzidzisa zvinokubatsira, iye anokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo. Kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita serwizi uye kururama kwako semafungu egungwa.”—Isaya 48:​17, 18.

Sezvo ari Musiki wedu, Mwari anoziva mararamiro anoita kuti tifare. Anoda kuti titeerere mitemo yake nekuti yakatinakira. Patinoteerera mitemo yaMwari, tinotoziva kuti zvatinenge tasarudza zvichaita kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka. Pese patinosarudza kumuteerera, tinenge tichiita chisarudzo chakanaka chichaita kuti tive nemufaro nerugare.

Jehovha haatiudzi kuti tiite zvatisingakwanisi.

“Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kukuomera, uye hausi kure newe.”—Dheuteronomi 30:11.

Kuti tirarame tichitevedzera mitemo yaMwari, tingatofanira kuchinja mafungiro edu uye maitiro edu. Asi Jehovha anenge asiri kutiudza kuti tiite zvatisingakwanisi. Ndiye Musiki wedu, saka anoziva zvatinogona. Uye patinowedzera kuziva Jehovha, tichaona kuti “mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

Zvapupu zvaJehovha zviviri zviri kudzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi zvichishandisa bhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!”

Jehovha anovimbisa kuti achabatsira vaya vanosarudza kuteerera mitemo yake.

“Ini Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rwerudyi, uye ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ndichakubatsira.’”—Isaya 41:13.

Tinokwanisa kuteerera mitemo yaMwari nekuti iye anotibatsira achishandisa Shoko rake Bhaibheri, iro rinotikurudzira uye rinotipa tariro.

Mamiriyoni evanhu pasi rese akaona kuti kuteerera mitemo yaMwari kwakavandudza upenyu hwavo. Wadii kudzidza zvakawanda nezvemazano akanaka ari muBhaibheri? Unogona kutanga nekuverenga bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! Bhuku iri rinowanika pajw.org uye haritengeswi. Rine zvidzidzo zvinotevera:

  • Bhaibheri Ringakubatsira Sei?

  • Bhaibheri Rinotipa Tariro

  • Zvinotaurwa neBhaibheri Ndezvechokwadi Here?

Pauchaongorora Shoko raMwari Bhaibheri, uchaona kuti richiri kushanda; ‘tinogona kuvimba naro, iye zvino uye nekusingaperi.” (Pisarema 111:8) Kuteerera mitemo yaMwari iri muBhaibheri ndiko kuchaita kuti tirarame upenyu hwakanaka. Asi Jehovha haatimanikidzi kuti timuteerere. (Dheuteronomi 30:​19, 20; Joshua 24:15) Tinofanira kuzvisarudzira tega kuti tinoda kumuteerera here kana kuti kwete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe