RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 February p. 31
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Mutongi Anodada Anorasikirwa Noumambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Mana Akachinja Nyika Yose
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 February p. 31
Mudziyo wevhu wakanyorwa zita raBheshazari.

Mudziyo wevhu wakanyorwa zita raBheshazari (Ndiwo makuriro chaiwo awakaita)

Waizviziva Here?

Zvakawanikwa pakuchera matongo zvinoratidza sei kuti Bheshazari wekuBhabhironi akamborarama uye akambotonga saMambo?

KWEMAKORE akawanda, vanotsoropodza Bhaibheri vaitaura kuti Mambo Bheshazari anotaurwa mubhuku raDhanieri haana kumbobvira ararama. (Dhan. 5:1) Vaitaura kudaro nekuti vanochera matongo vakanga vasati vamboona umboo hwairatidza kuti akamborarama. Izvozvo zvakazochinja muna 1854. Nei zvakachinja?

Mugore iroro, mumwe mumiririri weBritain ainzi J. G. Taylor akaongorora mamwe matongo aiva guta reUri, kumaodzanyemba kwenyika yava kunzi Iraq. Ari ikoko, akaona midziyo yevhu yakawanda yaiva mune chimwe chivakwa chakakura. Midziyo yacho iyo yakareba masendimita anenge 10, ine mashoko akaita zvekutemererwa pairi. Pane zvakanyorwa pane mumwe mudziyo wacho, pane munyengetero wekushuvira upenyu hurefu kuna Mambo Nabhonidhasi weBhabhironi nemwanakomana wake mukuru Bheshazari. Kunyange vaya vanoshora Bhaibheri vakatobvuma kuti zvakawanikwa izvi zvinoratidza kuti Bheshazari akamborarama.

Bhaibheri haringogumiri pakutaura kuti Bheshazari akamborarama asi rinototaurawo kuti aiva mambo. Asi vanoshora Bhaibheri vaisabvumirana nazvo. Semuenzaniso, muna 1875 imwe nyanzvi yesayenzi yekuEngland yainzi William Talbot yakanyora kuti pane vamwe vanoti “Bheshazari akatonga panguva imwe chete nababa vake Nabhonidhasi. Asi hapana kana umboo hunotsigira izvozvo.”

Asi nyaya yacho yakazojekeswa nezvakawanikwa pane mimwe midziyo yevhu. Pamidziyo yacho pakanga pakanyorwa kuti baba vaBheshazari, Mambo Nabhonidhasi, vakaita makore akawanda vasingagari muBhabhironi. Chii chakaitika panguva iyoyo? Encyclopaedia Britannica inoti, “Nabhonidhasi paakanga asiri muBhabhironi akaita kuti Bheshazari asare achitonga uye achitungamirira chikamu chikuru chemauto.” Saka Bheshazari akavawo mutongi weBhabhironi panguva iyoyo. Ndosaka mumwe anochera matongo uye anoongorora mitauro Alan Millard akataura kuti zvainge zvakakodzera kuti “bhuku raDhanieri ritaure kuti Bheshazari aiva ‘mambo.’”

Asi vashumiri vaMwari vanoziva kuti umboo hwakasimba hwekuti bhuku raDhanieri rakavimbika uye rakafemerwa naMwari hunowanikwa muBhaibheri.—2 Tim. 3:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe