RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb24 May pp. 2-3
  • May 6-12

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • May 6-12
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2024
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2024
mwb24 May pp. 2-3

MAY 6-12

PISAREMA 36-37

Rwiyo 87 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI

1. “Usarwadziwa Nemhaka Yevakaipa”

(10 min.)

Vanhu vakaipa vanoita kuti tirwadziwe uye titambure (Pis 36:​1-4; w17.04 10 ¶4)

Patinoramba takatsamwira ‘vanhu vakaipa,’ tinozvirwadzisa (Pis 37:​1, 7, 8; w22.06 10 ¶10)

Kana tiine chokwadi chekuti vimbiso dzaMwari dzichazadziswa, tinova nerugare (Pis 37:​10, 11; w03 12/1 13 ¶20)

Hanzvadzi iri kunetseka ichiverenga nhau pafoni. Iri kuona mapikicha evanhu vari kuratidzira vakatsamwa, mupurisa ari kutambira chioko muhomwe, masoja ari kuridza pfuti, murume ane pfuti ari munopakwa motokari, vanhu vakatakura zvinhu zvavaba muchitoro, kusagadzikana kwezvinhu munyika, uye vanhu vatanga kusvika paitika njodzi yemotokari.

ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndinonyanya kuisa pfungwa dzangu panhau dzezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika here?’

2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari

(10 min.)

  • Pis 36:6—Munyori wepisarema angangodaro airevei paakati kururama kwaJehovha kwakaita “semakomo makuru;” [kana kuti, “semakomo aMwari,” mashoko emuzasi.]”? (it-2-E 445)

  • Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?

3. Kuverenga Bhaibheri

(4 min.) Pis 37:​1-26 (th chidzidzo 10)

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

4. Kutanga Kukurukura Nevanhu

(3 min.) PAIMBA NEIMBA. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 5)

5. Kudzokera Kuvanhu Vakaratidza Kufarira

(4 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nemunhu akamboramba kudzidza nesu. (lmd chidzidzo 9 pfungwa 4)

6. Hurukuro

(5 min.) ijwbv 45—Musoro: Mashoko ari pana Pisarema 37:4 anorevei? (th chidzidzo 13)

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rwiyo 33

7. Wakagadzirira “Nguva Dzekutambudzika” Here?

(15 min.) Kukurukura nevateereri.

Pasi rese, hama nehanzvadzi dzedu dziri kufirwa uye kurasikirwa nezvinhu nemhaka yenjodzi dzinongoitika dzega uye dzimwe dzinokonzerwa nevanhu. (Pis 9:​9, 10) Tinogona kusanganawo nezvinhu zvakadaro zvinoita kuti titambure, saka tinofanira kugara takagadzirira.

Tinofanira kugara tiine zvinhu zvingazotibatsira kana pakaitika njodzi.a Asi zvii zvimwe zvichatibatsira kuti titsungirire?

  • Iva nemaonero akanaka: Ziva kuti njodzi dzinogona kungoitika uye gara wafunga kuti uchaita sei kana dzikaitika. Usanyanya kuda zvinhu. Izvi zvichakubatsira kuti ukurumidze kuita zvisarudzo zvekuchenjera, zvoita kuti uchengetedze upenyu hwako pane kuda kuchengetedza zvinhu zvako. (Ge 19:16; Pis 36:9) Kana ukasanyanya kuda zvinhu, zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kunetseka kana zvinhu izvozvo zvikaparara panoitika njodzi.—Pis 37:19

  • Simbisa Ushamwari Hwako naJehovha: Wedzera kuvimba kwaunoita kuti Jehovha anokwanisa uye anoda kukuchengeta. (Pis 37:18) Njodzi isati yaitika, gara uchizviyeuchidza kuti Jehovha achakutungamirira uye achabatsira vashumiri vake kunyange kana vakarasikirwa nezvinhu zvese.—Jer 45:5; Pis 37:​23, 24.

Kana tiine chokwadi chekuti Jehovha achazadzisa vimbiso dzake, tichaita kuti ave ‘nhare yedu munguva yekutambudzika.’—Pis 37:39.

Mapikicha: Zvikamu zvemuvhidhiyo inonzi “Wakagadzirira Njodzi Here?” 1. Hama iri kuverenga Bhaibheri. 2. Dutu. 3. Makore emvura. 4. Vanhu vakatakura zvinhu zvavo munzvimbo yaitika mafashamo.

Ratidzai VHIDHIYO inonzi Wakagadzirira Njodzi Here? mobvunza vateereri kuti:

  • Jehovha anotibatsira sei panoitika njodzi?

  • Zvii zvatingaita kuti tigare takagadzirira?

  • Tingabatsira sei vaya vanenge vawirwa nenjodzi?

ZVEKUITA

  • Paunenge uchiverenga Bhaibheri, ona mavhesi anokunyaradza kana aunogona kushandisa kunyaradza vamwe. Unogona kuisa matag pamavhesi aya muJW Library® . Unogona kuwana mamwe mavhesi akadaro munyaya yakanzi “Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?” iri pajw.org.

8. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

(30 min.) bt chits. 9 ¶8-16

Mashoko Ekugumisa (3 min.) | Rwiyo 57 Nemunyengetero

a Ona Mukai! Nhamba 5 2017, peji 4-6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe