December 19-25
2 MADZIMAMBO 18-19
Rwiyo 148 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Zvii Zvinoitwa Nevanotipikisa Vachida Kutipedza Simba?”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
2Mad 19:37—Vhesi iyi inoratidza sei kuti kuvimba kwatinoita nezvinotaurwa neBhaibheri hakubvi pakuti zvinotsigirwa here nenyanzvi dzinoongorora zvinhu zvekare? (it-1-E 155 ¶4)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) 2Mad 18:1-12 (th chidzidzo 5)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Koka munhu wacho kumisangano uye ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? mokurukura zvirimo (asi usamuratidza vhidhiyo yacho). (th chidzidzo 1)
Paunodzokera: (4 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Udza munhu wacho nezvekosi yeBhaibheri yatinoitisa uye musiyire kadhi rekosi yeBhaibheri. (th chidzidzo 2)
Hurukuro: (5 min.) w20.11 15 ¶14—Musoro: Zvii Zvaungataura Paunenge Uchinyengeterera Vari Kutambudzwa? (th chidzidzo 14)
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Fara Paunenge Uchitambudzwa”: (8 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai vhidhiyo yakanzi Tinogona Kufara Pasinei Nekutambudzwa.
Zvemuungano Yenyu: (7 min.)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) lff chidzidzo 32 pfungwa 1-4 uye chati rakanzi “Hope dzaNebhukadhinezari Dzinobatana Papi neUmambo hwaMwari?”
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 22 Nemunyengetero