October 17-23
1 MADZIMAMBO 21-22
Rwiyo 134 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Tevedzera Mashandisiro Anoita Jehovha Simba Rake”: (10 min.)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
1Mad 21:27-29—Tinoziva sei kuti zvakaitwa naAhabhi kwakanga kusiri kupfidza kwechokwadi? (w21.10 3 ¶4-6)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min.) 1Mad 22:24-38 (th chidzidzo 2)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Mupe bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! uye tanga chidzidzo cheBhaibheri. (th chidzidzo 4)
Paunodzokera: (4 min.) Tanga nenyaya iri mumharidzo yekuenzanisira. Mupe bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! uye tanga chidzidzo cheBhaibheri pachidzidzo 01. (th chidzidzo 6)
Hurukuro: (5 min.) w15 3/15 9-11 ¶10-12—Musoro: Tinodzidzei Pakutendeka kwaNabhoti? (th chidzidzo 14)
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Rudo Rune Mwoyo Murefu Uye Rune Mutsa”: (10 min.) Kukurukura nevateereri. Ratidzai vateereri vhidhiyo iyi. Kana yapera, bvunzai kuti: Alexandru akaratidza sei kuti aiva musoro wemhuri ane mwoyo murefu uye ane mutsa? Chii chakazoita kuti mudzimai wake, Dorina achinje? Vhidhiyo iyi inotidzidzisei?
Zvemuungano Yenyu: (5 min.)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) lff chidzidzo 23
Mashoko Ekugumisa (3 min.)
Rwiyo 50 Nemunyengetero