RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 September p. 5
  • Ramba Uchidzidzisa Simba Rako Rekunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchidzidzisa Simba Rako Rekunzwisisa
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Zvatingaite Kana Tichifanira Kusarudza Zvekuita
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ratidza Kutenda—Ita Zvisarudzo Nekuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Sumo
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 September p. 5

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ramba Uchidzidzisa Simba Rako Rekunzwisisa

Mutambi webhora anofanira kugara achisimbisa mhasuru dzake kuti arambe ari nyanzvi. Isuwo tinofanira kuramba tichiita zvese zvatinogona kuti tidzidzise simba redu rekunzwisisa. (VaH 5:14) Kunyange zvazvo tingaona zviri nyore kutevedzera zvisarudzo zvevamwe, tinofanira kudzidza kushandisa pfungwa dzedu tozvisarudzira tega zvatichaita. Nei tichifanira kudaro? Mumwe nemumwe wedu achazvidavirira pazvisarudzo zvaanoita.—VaR 14:12.

Hatifaniri kufunga kuti tichangoerekana taita zvisarudzo zvakanaka nekuti tava nemakore akawanda tabhabhatidzwa. Kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera, tinofanira kunyatsovimba naJehovha, neShoko rake, uye nesangano rake.—Jos 1:7, 8; Zvi 3:5, 6; Mt 24:45.

ONA VHIDHIYO INONZI “IVAI NEHANA YAKANAKA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Ivai Nehana Yakanaka.” Emma nemurume wake vachitarisa kadhi rekukokwa kumuchato.

    Emma aifanira kuita chisarudzo chipi?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Ivai Nehana Yakanaka.” Amy achitaura zvakasimba mafungiro ake.

    Nei tisingafaniri kutaura zvatinofunga panyaya dzinosiyirwa hana yemunhu?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Ivai Nehana Yakanaka.” Emma achitsvaga mazano kuna Charlotte naAllan.

    Mumwe murume nemudzimai vakapa Emma mazano api akanaka?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi “Ivai Nehana Yakanaka.” Emma achitsvakurudza pakombiyuta yake achishandisa “RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower.”

    Emma akawana kupi mashoko akamubatsira panyaya yake?

Ndinofanira kuvimba nechii pandinenge ndichiita zvisarudzo?

  • Mafungiro angu

  • Maonero evamwe

  • Zvinotaurwa neBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe