RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 January p. 9
  • Mwari naKristu Vachatisunungura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari naKristu Vachatisunungura
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anotibatsira Kutsungirira Matambudziko
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Tinofanira Kuona Sei Miedzo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Zvatingaita Kuti Tirambe Tiine Mufaro Patinotsungirira Matambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 January p. 9
Jesu akatarisa pasi ari pachigaro chake cheUmambo kudenga uye nechekuseri kwake kune chiedza chiri kubwinya chichibva pachigaro cheUmambo chaJehovha chichibwinya.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Mwari naKristu Vachatisunungura

Matambudziko api aunosangana nawo zuva nezuva? Uri baba vemba vari kuedza kuita zvese zvavanogona kuti variritire mhuri yavo here? Uri mubereki ari kutamburira kurera vana ari ega here? Uri mwana wechikoro ari kushungurudzwa nevamwe vana kuchikoro here? Une dambudziko reutano kana kuti rekukwegura here? Munhu wese ane matambudziko aanosangana nawo. VaKristu vakawanda vari kusangana nematambudziko akawanda. Asi tinoziva kuti tava pedyo nekusunungurwa paari.—2VaK 4:16-18.

Iye zvino tinonyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anoziva matambudziko edu, anokoshesa kuvimbika kwatakaita kwaari uye kutsungirira kwatinoita, uye achatikomborera chaizvo mune ramangwana. (Jer 29:11, 12) Jesu anewo hanya nemunhu mumwe nemumwe. Patinenge tichiita mabasa edu echiKristu, tinenge tiine chokwadi nemashoko ake aakataura ekuti: “Ndichange ndiinemi.” (Mt 28:20) Patinofungisisa nezverusununguko rwatichava narwo patinenge tichitongwa neUmambo hwaMwari mune ramangwana, tariro yedu inosimba uye tinoramba tichitsungirira miedzo yatiri kusangana nayo iye zvino.—VaR 8:19-21.

ONA VHIDHIYO INONZI DUTU SEZVARINOSWEDERA, RAMBA WAKATARIRA KUNA JESU!—MAKOMBORERO ATICHAWANA MUUMAMBO, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvakafamba sei kuti vanhu vave vakaparadzaniswa naMwari, uye zvakaguma nei?

  • Vaya vakatendeka kuna Jehovha vachava neramangwana rakaita sei?

  • Chii chinoita kuti tikwanise kuwana makomborero aya?

  • Makomborero api auri kutarisira kuzowana munyika itsva?

Mifananidzo: Vanhu vari kunakidzwa nemakomborero muParadhiso. 1. Hanzvadzi iri kumbundira munhu amutswa. 2. Vane zvekudya zvakawanda, nyika yakachena, uye rugare.

Zvione uri munyika itsva

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe