October 12-18
EKSODHO 33-34
Rwiyo 115 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Unhu Hwakanaka Huna Jehovha”: (10 min.)
Eks 34:5—Kuziva zita raMwari kunosanganisira kuziva mabasa, zvinangwa uye unhu hwake (it-2-E 466-467)
Eks 34:6—Unhu hwake hunoita kuti tide kuva pedyo naye (w09 5/1 18 ¶3-5)
Eks 34:7—Jehovha anoregerera vanhu vanopfidza zvivi zvavo (w09 5/1 18 ¶6)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Eks 33:11, 20—Mwari akataura sei naMozisi “vakatarisana chiso nechiso”? (w04 3/15 27 ¶5)
Eks 34:23, 24—Nei zvaida kutenda kuti varume vechiIsraeri vakwanise kuenda kumitambo mitatu yaiitwa gore negore? (w98 9/1 20 ¶5)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Eks 33:1-16 (th chidzidzo 10)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Vhidhiyo Yepaunodzokera: (5 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yacho mozobvunza kuti: Muparidzi aratidza sei kushanda kunoita rugwaro? Abatsira sei saimba kuti afunge?
Paunodzokera: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Paridzira munhu ambotanga asingadi kuparidzirwa. (th chidzidzo 16)
Paunodzokera: (5 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Muratidze bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? wobva watanga chidzidzo cheBhaibheri pachitsauko 2. (th chidzidzo 8)
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Vechidiki—Jehovha Ishamwari Yenyu Yepamwoyo Here?”: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Vechidiki—“Ravirai Henyu Muone Kuti Jehovha Akanaka”.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min. zvichidzika) jy chits. 136
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 103 Nemunyengetero