PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 10-13
Jehovha Akatendeka
Jehovha anotipa “nzira yekubuda nayo” mumuedzo. Anogona kubvisa muedzo wacho, asi kakawanda kacho anotipa simba rekuti tikwanise kuutsungirira.
Anogona kuita kuti tigadzikane mupfungwa, uye anotikurudzira nekutinyaradza achishandisa Shoko rake, mweya mutsvene uye zvekudya zvekunamata zvaanotipa.—Mt 24:45; Joh 14:16; VaR 15:4
Anogona kutitungamirira achishandisa mweya wake mutsvene, kuti utiyeuchidze nyaya dzemuBhaibheri uye zvimwe zvinotaurwa imomo. Izvi zvichaita kuti tizokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka.—Joh 14:26
Anogona kushandisa ngirozi dzake kuti dzitibatsire.—VaH 1:14
Anogona kushandisa vatinonamata navo kuti vatibatsire.—VaK 4:11