PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 21-22
“Kuda kwaJehovha Ngakuitike”
Pauro akaona kuti mweya mutsvene waimutungamirira kuJerusarema kwaaigona kuzonourayiwa. (Mab 20:22, 23) Saka vamwe vaKristu pavakamuteterera kuti asaenda, akavaudza kuti: “Muri kuitei muchisvimha misodzi uye muchindishayisa simba mumwoyo?” (Mab 21:13) Hatifaniri kutaura mashoko anodzosera kumashure vaya vanenge vachida kuita zvakawanda pakushumira Jehovha.