September 24-30
JOHANI 7-8
Rwiyo 12 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jesu Akakudza Baba Vake”: (10 min.)
Joh 7:15-18—Jesu paakarumbidzwa nekudzidzisa kwaaiita, akapa mbiri kuna Jehovha (cf 100-101 ¶5-6)
Joh 7:28, 29—Jesu akati akatumwa semumiririri waMwari, kuratidza kuti aizviisa pasi paJehovha
Joh 8:29—Jesu akaudza vateereri vake kuti aigara achiita zvinhu zvaifadza Jehovha (w11 3/15 11 ¶19)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Joh 7:8-10—Jesu akanyepera vanin’ina vake vakanga vasingatendi here? (w07 2/1 6 ¶4)
Joh 8:58—Chii chakaita kuti mashoko ekupedzisira evhesi iyi anzi “ndaivapo” panzvimbo pekuti “ndini iye,” uye nei izvi zvichikosha? (“ini ndaivapo” tsanangudzo dzemamwe mashoko Joh 8:58, nwtsty)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Joh 8:31-47
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunodzokera Kechipiri: (3 min. zvichidzika) Shandisa mharidzo yekuenzanisira. Koka munhu wacho kumusangano.
Paunodzokera Kechitatu: (3 min. zvichidzika) Shandisa rugwaro rwaunoda, uye mupe rimwe remabhuku atinoshandisa pakudzidzisa vanhu Bhaibheri.
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) lv 9-10 ¶10-11
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Zvininipise Uye Iva Nemwero Sezvaiitwa naJesu”: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo imwe neimwe.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 36
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 119 Nemunyengetero