RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 August p. 3
  • Yeuka Mudzimai waRoti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yeuka Mudzimai waRoti
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Yeuka Mudzimai waRoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mudzimai waRoti Anocheuka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Gadzirira Kununurwa Ndokupinda Munyika Itsva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kutanga Neurombo—Kuguma Nemakomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 August p. 3
Mudzimai waRoti akacheuka akatarisa kuSodhoma achibva achinja kuva churu chemunyu

KURARAMA KWECHIKRISTU

Yeuka Mudzimai waRoti

Nei mudzimai waRoti akacheuka pavaitiza muSodhoma? Bhaibheri haritauri. (Ge 19:17, 26) Zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti anogona kunge aifunga zvinhu zvaakanga asiya. (Ru 17:31, 32) Zvakaitika kumudzimai waRoti zvinotidzidzisei? Kana tichida kufarirwa naMwari, hatifaniri kuisa pfuma pekutanga muupenyu hwedu. (Mt 6:33) Jesu akadzidzisa kuti ‘hatigoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.’ (Mt 6:24) Ko kana tikaona kuti kuda pfuma kwava kutivhiringidza pakunamata? Tinogona kunyengetera kuna Jehovha kuti atipe uchenjeri hwekuona kuti ndepapi patinofanira kugadzirisa uye kuti tive neushingi hwekuzopagadzirisa.

FUNGA ZVAWAKAONA MUVHIDHIYO INE ZVIKAMU ZVITATU INONZI YEUKA MUDZIMAI WAROTI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Anna ari kubasa; Gloria aina sekuru vake; Brian naGloria vachinyengetera

    Zvii zvandingaita zvinoratidza kuti ‘ndinoyeuka mudzimai waRoti’?

    Kuda pfuma kwakakanganisa sei mafungiro aGloria, matauriro ake nemaitiro ake?

  • Nyaya yemudzimai waRoti inotidzidzisei?

  • Kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kwakabatsira sei Joe nemhuri yake?

  • Shamwari dzaAnna dzekubasa dzakanga dzava kumukanganisa sei pakunamata?

  • Nei tichifanira kuva neushingi kana tikamanikidzwa kuisa pfuma pekutanga?

  • Brian naGloria vakaita sei kuti vatangezve kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga?

  • Ndeapi mazano emuBhaibheri ari muvhidhiyo iyi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe