KURARAMA KWECHIKRISTU
Nei Kusava Nekwatinotsigira Kuchinyanya Kukosha? (Mik 4:2)
Mufananidzo wemuSamariya akanaka unotiyeuchidza kuti Jehovha haasaruri uye anoda kuti ‘tiitire vose zvakanaka’ kusanganisira vaya vane upenyu hwakasiyana nehwedu, verimwe dzinza, verumwe rudzi kana kuti vechimwe chitendero.—VaG 6:10; Mab 10:34.
ONA VHIDHIYO INONZI NEI KUSAVA NEKWATINOTSIGIRA KUCHINYANYA KUKOSHA? (MIK 4:2), WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Tinoziva sei kuti zvinotaurwa pana Mika 4:2 ndizvo zviri kutoitika kuvanhu vaMwari mazuva ano?
Zvinorevei kusava nedivi ratinotsigira, uye nei zvichikosha?
Zvakazarurwa 13:16, 17 inoratidza sei kuti vezvematongerwo enyika vanoda kukanganisa pfungwa dzedu uye zvatinoita?
Ndezvipi zvinhu zvitatu zvinogona kuita kuti tizopedzisira tava nedivi ratinotsigira?