KURARAMA KWECHIKRISTU
Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya
Kana uri kuchikoro, unombotya here kuti vanhu vazive kuti uri chapupu chaJehovha kana kuti kutoparidzira vamwe? Kana uchitya, ungaita sei kuti uve “noushingi”? (1VaT 2:2) Nei uchifanira kuva neushingi? Ona vhidhiyo inonzi Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya, wozopindura mibvunzo iyi:
Ndiani munhu wemuBhaibheri akabatsira Sarudzai kuti asatya?
Kudzidzira kwaiita Sarudzai kwakamubatsira sei?
Nei uchifanira kuparidzira vaunodzidza navo?
Kana usiri mwana wechikoro, zvii zvawadzidzawo muvhidhiyo iyi?