KURARAMA KWECHIKRISTU
Kuparidza Uye Kudzidzisa—Zvinokosha Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi
Jesu akarayira vateveri vake kuti vaende kunoita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mt 28:19) Izvi zvinosanganisira kuparidza uye kudzidzisa. Tinofanira kupota tichizvibvunza kuti, ‘Zvii zvandingaita kuti ndivandudze pakuparidza uye pakudzidzisa?’
KUPARIDZA
Pane kumirira kuti vanhu vauye kwatiri, tinofanira kuenda kunotsvaga ‘vakakodzera.’ (Mt 10:11) Patinenge tiri muushumiri, tinoshandisa here mikana yatinowana kuti tiparidzire vanhu vatinenge taona? (Mab 17:17) Kushingaira kwaiita Pauro kwakaita kuti Ridhiya awane chokwadi.—Mab 16:13-15.
“Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru” (Mup 11:6)
ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA UCHIPARIDZA ‘USINGAREGI’—ZVISINA KURONGWA UYE PAIMBA NEIMBA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Samuel akashandisa sei mikana yese yaaiwana kuti adyare mbeu yechokwadi?
Nei tichifanira kuramba tichiparidza nenzira dzakasiyana-siyana?
Paunenge uchiita mabasa ako ezuva nezuva, ndivanaani vaunogona kuparidzira mashoko eUmambo?
KUDZIDZISA
Kuti vanhu vave vadzidzi, hatifaniri kungogumira pakuvapa mabhuku. Kuti vafambire mberi pakunamata, tinofanira kudzokera kunovaona tovadzidzisa Bhaibheri. (1VaK 3:6-9) Ko kana munhu wacho asiri kufambira mberi? (Mt 13:19-22) Tinofanira kuramba tichitsvaga vaya vane mwoyo yakaita ‘seivhu rakanaka.’—Mt 13:23; Mab 13:48.
“Ini ndakadyara, Aporo akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure” (1VaK 3:6)
ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA UCHIPARIDZA ‘USINGAREGI’—MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA UYE KUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Hama Solomon nemudzimai wavo vakaitei kuti vadiridze mbeu yakanga yadyarwa mumwoyo waEzekiel naAbigail?
Chinangwa chedu ndechei patinenge tichiita ushumiri, kusanganisira patinoparidza nechingoro?
Tingaratidza sei kuti tinokoshesa basa rekudzidzisa vanhu chokwadi?