July 10-16
EZEKIERI 15-17
Rwiyo 49 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Unoita Zvaunovimbisa Here?”: (10 min.)
Eze 17:1-4—Bhabhironi rakabvisa Mambo Jehoyakini rikamutsiva naZedhekiya (w07 7/1 12 ¶6)
Eze 17:7, 15—Zedhekiya haana kuita zvaakavimbisa, uye akanotsvaga rubatsiro kuIjipiti (w07 7/1 12 ¶6)
Eze 17:18, 19—Jehovha aida kuti Zedhekiya azadzise mhiko yake (w12 10/15 30 ¶11; w88 9/15 17 ¶8)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Eze 16:60—‘Sungano isingagumi’ ndeipi, uye ndivanaani vari musungano iyoyo? (w88 9/15 17 ¶7)
Eze 17:22, 23—“Davi nyoro” raizodyarwa naJehovha ndiani? (w07 7/1 12 ¶6)
Kuverenga Bhaibheri kwevhiki rino kwakudzidzisei nezvaJehovha?
Ndezvipi zvimwe zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Eze 16:28-42
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) Kavha yewp17.4—Siya pekuzotangira.
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Kavha yewp17.4—Ita seuri kumuratidza vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? mokurukura zvirimo. (Asi usamuratidza vhidhiyo yacho.)
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) fg chidzidzo 11 mubvunzo 1, ndima 1 ne2—Koka munhu wacho kumusangano.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Zadzisa Mhiko Yako Yemuchato Kunyange Kana Usisina Mufaro Muwanano Yenyu: (10 min.) Hurukuro inopiwa nemukuru kubva muMukai! yaMay-June 2014 peji 13-14.
Iva Shamwari yaJehovha—Taura Chokwadi: (5 min.) Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Iva Shamwari yaJehovha—Taura Chokwadi. Kana yapera, kumbirai vana vamakatosarudza kuti vauye kuchikuva, movabvunza zvavadzidza muvhidhiyo yacho.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) kr chits. 15 ¶1-8
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 73 Nemunyengetero