January 23-29
ISAYA 38-42
Rwiyo 78 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anopa Munhu Akaneta Simba”: (10 min.)
Isa 40:25, 26—Hapana ane simba seraJehovha (ip-1 410-411 ¶23-25)
Isa 40:27, 28—Jehovha anoona matambudziko atinotsungirira uye zvakaipa zvatinoitirwa (ip-1 413 ¶27)
Isa 40:29-31—Jehovha anopa simba vanhu vanovimba naye (ip-1 413-415 ¶29-31)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Isa 38:17—Zvinorevei kuti Jehovha anorasira zvivi zvedu shure kwake? (w03 7/1 18 ¶17)
Isa 42:3—Jesu akazadzisa sei uprofita uhwu? (w15 2/15 8 ¶13)
Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa muushumiri?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Isa 40:6-17
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) Ipa saimba bhurocha raMashoko Akanaka, wobva wakurukura naye chidzidzo 8, mubvunzo 1, ndima 1. Siya pekuzotangira.
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Dzokera kunoona munhu wawakapa bhurocha raMashoko Akanaka. Kurukura naye chidzidzo 8, mubvunzo 1, ndima 2. Siya pekuzotangira.
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) lv 38-39 ¶6-7—Dzidzisa zvinosvika pamwoyo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
“Usakanganwa Kunyengeterera vaKristu Vari Kutambudzwa”: (15 min.) Kukurukurirana. Tangai nekuratidza vateereri vhidhiyo yakanzi Zvapupu zvaJehovha Zvinomiswa Mudare Kechipiri kuTaganrog—Utsinye Uhwu Huchapera Riini?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) kr chits. 7 ¶10-18, bhokisi rakanzi “Mapurogiramu Aibudiswa paWBBR,” uyewo bhokisi rakanzi “Gungano Risingakanganwiki”
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 9 Nemunyengetero