January 2-8
ISAYA 24-28
Rwiyo 12 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anochengeta Vanhu Vake”: (10 min.)
Isa 25:4, 5—Jehovha anodzivirira vashumiri vake pakunamata (ip-1 272 ¶5)
Isa 25:6—Jehovha ari kuzadzisa vimbiso yake yokuti anopa zvekudya zvekunamata zvakawanda (w16.05 24 ¶4; ip-1 273 ¶6-7)
Isa 25:7, 8—Chivi nerufu zvichange zvisisiko (w14 9/15 26 ¶15; ip-1 273-274 ¶8-9)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Isa 26:15—Tingaita sei kuti tishandewo pamwe chete naJehovha pakukudza “miganhu yose yenyika”? (w15 7/15 11 ¶18)
Isa 26:20—Chii chingangodaro chichifananidzirwa ‘nedzimba dzomukati’? (w13 3/15 23 ¶15-16)
Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa muushumiri?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Isa 28:1-13
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana pachishandiswa “Mharidzo Dzekuenzanisira.” Ratidzai vateereri mavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira, mokurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Pedzisai nekukurukura chikamu chakanzi “Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhurocha raMashoko Akanaka” chevhiki yaJanuary 4-10 muPurogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa yaJanuary 2016.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvomuungano Yenyu: (15 min.) Kana muchida, munogona kukurukura nevateereri zvidzidzo zvatinowana muBhuku Regore. (yb16 140-142)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) kr chits. 6 ¶8-15, uye bhokisi rakanzi “Magungano Ekutanga-tanga Akakurudzira Basa Rekuparidza”
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 66 Nemunyengetero