RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 October p. 4
  • Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidza Jehovha Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kurudziranai Pamisangano Yeungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Rumbidza Jehovha “Pakati Peungano”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Batisisa Ziviso Yapachena Yetariro Yako Isingazununguki
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 October p. 4

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ungaita Sei Kuti Upe Mhinduro Dzakanaka?

Mukomana akasimudza ruoko rwake paChidzidzo cheNharireyomurindi, hanzvadzi iri kupindura paChidzidzo cheNharireyomurindi

Mhinduro dzakanaka dzinovaka vamwe muungano. (VaR 14:19) Dzinobatsirawo vacho vanenge vapindura. (Zvi 15:23, 28) Saka tinofanira kubva pamisangano tapindura kunyange kamwe chete hako. Dzimwe nguva tinogona kusimudza ruoko asi totadza kusimudzwa. Saka zvakanaka kuti tigare takagadzirira mhinduro dzakawanda.

Mhinduro yakanaka . . .

  • inofanira kunge iri pfupi uye iri nyore kunzwisisa. Kakawanda kacho, haiwanzopfuura masekonzi 30

  • ndeiya yaunotaura nemashoko ako usingaiti zvekuverenga

  • hakusi kungodzokorora zvataurwa nevamwe

Kana uriwe watanga kupindura, . . .

  • taura mhinduro pfupi iri kudiwa

Kana mubvunzo wapindurwa unogona . . .

  • kutaura kuti rugwaro rwuri mundima rwunoenderana sei nezviri kudzidzwa

  • kutaura kuti zviri kudzidzwa zvinoita kuti unzwe uchida kuita sei muupenyu hwako

  • kutsanangura kuti zvatadzidza tingazvishandisa sei kubatsira vamwe

  • kutaura zvakaitika kwauri kana kuti kune vamwe zvinotsigira pfungwa inokosha iri mundima yacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe