PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 87-91
Ramba Uri Munzvimbo Yakavanda yoWokumusorosoro
Kana tiri “munzvimbo yakavanda” yaJehovha hapana chinokanganisa ukama hwedu naye
Mazuva ano, kuti tikwanise kugara munzvimbo yakavanda yaJehovha tinofanira kuzvitsaurira kwaari uye tobhabhatidzwa
Vanhu vasingavimbi naMwari havazivi nzvimbo iyi
Kana vanhu vari munzvimbo yakavanda yaJehovha, hapana chingakanganisa kutenda kwavo uye kuda kwavanoita Mwari
“Mubati weshiri” anoedza kutiteya
Shiri dzakangwara uye hadzibatiki nyore-nyore
Vanobata shiri vanonyatsoongorora maitiro adzo vobva vatsvaga nzira dzokudzibata
Satani, “mubati weshiri,” anoongorora vanhu vaJehovha ovateya nenzira dzakasiyana-siyana kuti aparadze kutenda kwavo
Zviteyeso 4 zvinoparadza zvinoshandiswa naSatani:
Kutya Vanhu
Kuda Pfuma
Kuvaraidzwa Nezvinhu Zvakaipa
Kusawirirana Nevamwe