RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb16 March p. 7
  • Rudzikinuro Rwunoita Kuti Pave Nerumuko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzikinuro Rwunoita Kuti Pave Nerumuko
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Mashoko Akafanana
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kunyange Zvazvo Tichitambudzika, Hatisati Tiri Vasina Tariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mushonga Bedzi Worufu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Hama Neshamwari Dzako Dzakafa Dzinogona Kuraramazve!
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
mwb16 March p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Rudzikinuro Rwunoita Kuti Pave Nerumuko

Pashure pekunge hama neshamwari dzachema dziri padivi pemubhedha une musikana ashaya, sisi vake vanonzwa zviri nani pavanofunga nezvekumuka kuchaita vakafa

Chirangaridzo chinoita kuti tive nemukana wekudzamisa pfungwa tichifunga zvikomborero zvatichawana nekuti Jesu akatifira. Chimwe chacho rumuko. Jehovha aisamboda kuti vanhu vafe. Ndokusaka tichirwadziwa chaizvo kana tikafirwa nemunhu watinoda. (1VaK 15:26) Jesu akarwadziwa paakaona vadzidzi vake vachichema Razaro. (Joh 11:33-35) Sezvo Jesu achinyatsoratidza zvakaita Baba vake, tine chokwadi kuti Jehovha anorwadziwawo paanotiona tichichema hama neshamwari dzedu dzinenge dzafa. (Joh 14:7) Jehovha ari kumirira nguva yaachamutsa vashumiri vake vakafa, uye isuwo tinofanira kumirira nguva iyoyo.​—Job 14:14, 15.

Sezvo Jehovha ari Mwari akarongeka, zvine musoro kutarisira kuti achaita kuti rumuko rwuitike nenzira yakarongeka. (1VaK 14:33, 40) Panzvimbo pekuva nemariro, pachava nenguva dzekugamuchira vanenge vachimutswa. Unodzamisa pfungwa here uchifunga nezverumuko, kunyanya paya paunenge wafirwa? (2VaK 4:17, 18) Unotenda Jehovha here neurongwa hwerudzikinuro uye nekutiratidza muMagwaro kuti vakafa vachararamazve?​—VaK 3:15.

  • Ndedzipi hama neshamwari dzaunonyanya kutarisira kuzoona zvakare?

  • Ndevapi vanhu vemuBhaibheri vaunonyanya kutarisira kuzoona wotaura navo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe