RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/14 p. 7
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 6/14 p. 7

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naJune 30, 2014.

  1. Nei zano riri pana Eksodho 23:2 richikosha zvikuru pakusarudza zvokuvaraidzwa nazvo? [May 5, w11 7/15 map. 10-11 ndima 3-7]

  2. Murayiro waiti vapristi vaifanira kugeza vasati vapa zvibayiro kuna Jehovha waikosha zvakadini, uye unoyeuchidza vashumiri vaMwari vemazuva ano nezvei? (Eks. 30:18-21) [May 19, w96 7/1 p. 9 ndima 9]

  3. Nei Aroni asina kurangwa paakagadzira mhuru yendarama? (Eks. 32:1-8, 25-35) [May 19, w04 3/15 p. 27 ndima 4]

  4. Maonero anoita vaKristu nyaya yekufambidzana uye yekuroorana anoenderana sei nekurambidza kwaiita Mwari vaIsraeri kuroorana nevanhu vekune dzimwe nyika? (Eks. 34:12-16) [May 26, w89 11/1 map. 20-21 ndima 11-13]

  5. Nei zvakaitika kuna Bhezareri naOhoriyabhi zvichitikurudzira? (Eks. 35:30-35) [May 26, w10 9/15 p. 10 ndima 13]

  6. “Chiratidzo chitsvene chokutsaurira” chaiva pangowani yaipfekwa nemupristi mukuru weIsraeri chaiyeuchidza nezvei, uye chinotidzidzisei nezvekuzvitsaurira? (Eks. 39:30) [June 2, w01 2/1 p. 14 ndima 2-3]

  7. VaKristu vose vane basa rei panyaya yokutaura chivi chakakura chinenge chaitwa newavanonamata naye? (Revh. 5:1) [June 9, w97 8/15 p. 27]

  8. Zvibayiro zvokugoverana zvaiita basa ripi raikosha mumazuva evaIsraeri, uye urongwa hwacho hunorevei kwatiri mazuva ano? (Revh. 7:31-33) [June 16, w12 1/15 p. 19 ndima 11-12]

  9. Chivi chakaitwa nevanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu, chingangodaro chaiva chei, uye tinodzidzei? (Revh. 10:1, 2, 9) [June 23, w04 5/15 p. 22 ndima 6-8]

  10. Nei kubereka mwana kwaiita kuti mukadzi ave “asina kuchena”? (Revh. 12:2, 5) [June 23, w04 5/15 p. 23 ndima 1]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe