Vhidhiyo Itsva Yokutangisa Zvidzidzo zveBhaibheri
Vanhu vakawanda vari kuona vhidhiyo pfupi inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? pajw.org. Vhidhiyo yacho yakagadzirirwa kukurudzira vanhu vanofarira kuti vabvume kudzidza Bhaibheri nesu vasingabhadhari. Inogona kuvhurwa muchishandisa pakanzi “Kumbira Kudzidza Bhaibheri” nechepasi, papeji yokutanga yejw.org kana kuti nekushandisa QR (quick response) code iri kuseri kwematurakiti edu matsva. Hedzinoi dzimwe nzira dzatingashandisa nadzo vhidhiyo yacho zvakanaka.
Pakushanyazve, iti kuna saimba: “Ndingakuratidzai here vhidhiyo pfupi inotsanangura kuti mungawana sei mhinduro dzemibvunzo yenyu yeBhaibheri?” Kana achida muratidze vhidhiyo yacho pafoni yako kana kuti pakombiyuta yake.
Kana tikagovera rimwe rematurakiti edu matsva patinenge tichipupurira zvisina kurongwa kana kuti kupupurira kune voruzhinji, ngatiratidze vanhu kodhi yeQR tovakurudzira kuti vaitore nefoni kana electronic tablet yavo. Sezvo mumitauro yakawanda kodhi yeQR ichibva yakuendesa pavhidhiyo iyi iri panzvimbo yedu yepaIndaneti, pamwe zvingaita kuona vhidhiyo yacho ipapo uchishandisa foni yako.
Udza vaunoshanda navo, vaunodzidza navo, hama dzako kana vamwe vanhu vaunoziva nezvevhidhiyo iyi wovaudza kuti unoda kuvaratidza. Kana kuti vatumire kero yepaIndaneti ine vhidhiyo yacho uchishandisa e-mail wovati vazozvionera voga.
Nokushandisa urongwa hutsva uhwu, pamwe tingakwanisa kutanga zvimwe zvidzidzo zveBhaibheri, kubatsira vamwe mune zvokunamata vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.”—Mab. 13:48.