Mharidzo Dzokuenzanisira
Mashoko oUmambo Nhamba 38
“Tiri kuita mushandirapamwe wemunyika yose wokuparadzira pepa iri rine mashoko anokosha. Renyuwo iri.”
Onai kuti: Kuti tipedze ndima yedu, mharidzo ngaive pfupi. Asi dzimwe nguva saimba anogona kuratidza kufarira kwechokwadi uye angada kuti mukurukure. Kana zvakadaro, unogona kumubvunza kuti anofungei nezvemubvunzo uri kwekutanga, womuverengera mhinduro yemuBhaibheri iri mukati meturakiti racho, uye kana nguva iripo, kurukurai zvimwe zviri muturakiti racho. Usati waenda, muratidze mubvunzo uri kumashure kweturakiti racho pakanzi “Zvokufunga Nezvazvo” uye ronga kuzodzoka mozoukurukura.
Nharireyomurindi December 1
“Mazuva ano vanhu vane zvakawandisa zvokuita zvokuti zvinogona kuvaomera kufunga nezvaMwari. Munofunga kuti zvinokosha here kufunga nezvaMwari muupenyu hwedu? [Rega apindure.] MuMharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati kana tichida kufara zvechokwadi, zvinokosha kuti tive neukama hwakanaka naMwari. [Verenga Mateu 5:3.] Magazini ino inoratidza zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tide kutungamirirwa naMwari.”
Awake! December
“Mafungiro evakawanda anobva pane zvavanonzwa kana kuti zvavanoverenga mune zvinobudisa nhau. Munofunga kuti nhau dzatinonzwa uye dzatinoverenga ndedzechokwadi here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotikurudzira kuti tingwaririre panyaya yokuvimba nezvatinenge tanzwa. [Verenga Jobho 12:11.] Magazini ino ine mazano anotibatsira kuongorora zvatinonzwa uye zvatinoverenga.”