Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna December: Shandisai rimwe rematurakiti anotevera: Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza!, Jehovha—Iye Ndiani?, Jesu Kristu—Iye Ndiani?, kana kuti Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana munhu akaratidza kufarira, ratidzai kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti bhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. January naFebruary 2013: Shandisai bhurocha remapeji 32 pane anotevera: Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, kana kuti Unogona Kuva Shamwari yaMwari. Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi. March 2013: Nharireyomurindi neAwake! Pamunodzokera kunoona munhu anenge afarira, edzai kutanga kudzidza naye Bhaibheri muchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kana zvichibatsira munhu wacho munogona kutanga nebhurocha raTeerera Mwari kana raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi.
◼ Chirangaridzo chegore ra2014 chichaitwa musi weMuvhuro, April 14.
◼ Vaparidzi vachatora upiyona hwebetsero muna March 2013 vachasarudza kana vachida kushanda maawa 30 kana kuti 50 mwedzi iwoyo. Uyezve kana mutariri wedunhu ari kushanyira ungano yenyu muna March, vose vanenge vachiita upiyona hwebetsero, vemaawa 30 kana kuti 50, vanobvumirwa kupinda musangano wose unoitiswa mapiyona enguva dzose nomutariri wedunhu.