Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naOctober 31, 2011.
1. Nei tisingafaniri kusiya zviyeuchidzo zvaJehovha? (Pis. 119:60, 61) [w00-CA 12/1 p. 14 ndima 3]
2. Tinodzidzei pana Pisarema 133:1-3? [w06-CA 9/1 p. 16 ndima 3]
3. Jehovha ‘akaongorora’ sei Dhavhidhi uye aka“yera” sei “kufamba” kwake uye “kuzvambarara” kwake? (Pis. 139:1, 3) [w06-CA 9/1 p. 16 ndima 6; w93-CA 10/1 p. 11 ndima 6]
4. Jehovha ‘achatsigira’ uye ‘achamutsa’ vashumiri vake mumatambudziko akaita sei? (Pis. 145:14) [w04-CA 1/15 p. 17 ndima 11]
5. Zvii zvakaitwa nemurume anotaurwa pana Zvirevo 6:12-14 zvakaita kuti aonekwe semunhu pasina? [w00-CA 9/15 p. 26 ndima 6-p. 27 ndima 1]
6. Nei munhu akachenjera achinzi “achagamuchira mirayiro”? (Zvir. 10:8) [w01-CA 7/15 p. 26 ndima 1]
7. Vanhu vakachenjera vakasiyana sei nemapenzi pamaitiro avanoita kana vabatwa zvakaipa kana kuzvidzwa? (Zvir. 12:16) [w03-CA 3/15 p. 27 ndima 4-5]
8. Kuva nemafungiro akanaka kunoita sei kuti tive no“mutambo nguva dzose”? (Zvir. 15:15) [w06-CA 7/1 p. 16 ndima 6]
9. Ku“wana mwoyo une njere” kunosanganisirei uye munhu anoita izvozvo “anoda mweya wake” sei? (Zvir. 19:8) [w99-CA 7/1 p. 18 ndima 4]
10. Ungwaru hunosimbisa sei imba? (Zvir. 24:3) [w06-CA 9/15 p. 27 ndima 11; be-CA p. 32 ndima 1]