Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho uye varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinenge rafarirwa nemunhu wacho. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana munhu akaratidza kuti anofarira, mugovere turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? wobva waedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri. November: Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana pamba pacho pane vana, goverai Dzidza Kumudzidzisi Mukuru kana kuti Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2012 ichapiwa muvhiki yaApril 2. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa gare gare. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro yacho inokosha Chirangaridzo chisati chaitwa.
◼ Vaparidzi vari kutora upiyona hwebetsero muna March 2012 vachasarudza kuti vanoda kushanda maawa 30 here kana kuti 50 mwedzi iwoyo. Uyezve kana mutariri wedunhu ari kushanyira ungano muna March, vose vanenge vachiita upiyona hwebetsero, vangava vakakumbira kusvitsa maawa 30 kana kuti 50, vanobvumirwa kupinda musangano wose unoitiswa mapiyona enguva dzose nomutariri wedunhu.
◼ Muna September, vatariri vematunhu vachatanga kupa hurukuro yavose ine musoro unoti “Batana Nevanhu vaMwari Vanofara.”