Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha rine mapeji 32 pane ari pasi apa rinofarirwa nevanhu vari mundima yenyu: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Rambai Makarinda!, Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Midzimu Yevakafa-Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho uye varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinenge rafarirwa nemunhu wacho. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana munhu akaratidza kuti anofarira, mugovere turakiti raUngada Here Kuziva Chokwadi? wobva waedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri.
◼ Purogiramu yemusangano webasa wokupedzisira musati mapinda gungano renyu reruwa inofanira kugadziridzwa kuitira kuti mudzokorore mazano uye zviyeuchidzo zvine chokuita negungano reruwa ra2011, rinoti “Umambo hwaMwari Ngahuuye.” Muchadzokorora nyaya inoti, “Mazuva Matatu Okuzorodzwa Mune Zvokunamata” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 2011. Kana pava nemwedzi mumwe kana miviri gungano rapera, munogona kushandisa chikamu chinoti zvomuungano yenyu kuti mukurukure pfungwa dzakabatsira vaparidzi kuti vavandudze ushumiri hwavo.