RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/11 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 6/11 p. 4

Zviziviso

◼ Zvichagoverwa muna June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika. July naAugust: Chero bhurocha rine mapeji 32 pane ari pasi apa rinofarirwa nevanhu vari mundima yenyu: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Rambai Makarinda!, Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Midzimu Yevakafa-Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pamunoshanya kekutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho asi varamba kudzidza Bhaibheri, vaparidzi vangagovera magazini yekare kana kuti chero bhurocha rinenge rafarirwa nemunhu wacho.

◼ August ndiwo mwedzi wokupedzisira wegore rebasa. Tinoda kukurudzira munhu wose kuti ashume basa rake romumunda nokukurumidza sezvaangagona panopera mwedzi wacho. Kana mukadaro mushumo wenyu uchasanganiswa pamwe nemushumo weungano wozoendeswa kuDzimbahwe Renyika Yose uye wozobatanidzwa pamushumo wenyika yose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe