Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naApril 25, 2011. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 7 kusvika yaApril 25, 2011.
1. “Marudzi mazhinji enyika yacho aizviti vaJudha” pakudini? (Esteri 8:17) [w06-CA 3/1 p. 11 ndima 3]
2. Nei Satani akabvumirwa kumira pamberi paJehovha? (Jobho 1:6; 2:1) [w06-CA 3/15 p. 13 ndima 6; it-2 p. 16 ndima 4]
3. Satani airevei paakabvunza kuti, “Jobho anotya Mwari pasina here”? (Jobho 1:9) [w94-CA 11/15 p. 11 ndima 6]
4. Nei kuziva kuti Jehovha ane “mwoyo wakachenjera uye ane simba” kuchiita kuti tive nechivimbo? (Jobho 9:4) [w07-CA 5/15 p. 25 ndima 16; it-2 p. 1190 ndima 3]
5. Mashoko akataurwa naErifazi okuti “murume anonwa zvinhu zvisina kururama semvura” anoratidza sei mafungiro aSatani? (Jobho 15:16) [w10-CA 2/15 p. 20 ndima 1-2]
6. Tingadzidzei kubva pamashoko okuchema aJobho atinoverenga pana Jobho 19:2? [w94-CA 10/1 p. 32 ndima 1-5]
7. Chii chakabatsira Jobho kuti arambe akaperera kuna Mwari? (Jobho 27:5) [w09-CA 4/15 p. 6 ndima 17]
8. Tingatevedzera sei Jobho vamwe pavanenge vachida kubatsirwa? (Jobho 29:12, 13) [w02-CA 5/15 p. 22 ndima 19; w94-CA 9/15 p. 24 ndima 2]
9. Zano raErihu rakanga rakasiyana sei nemazano edzimwe shamwari nhatu dzaJobho? (Jobho 33:1, 6) [w95-CA 2/15 p. 29 ndima 3]
10. Kufunga nezvemabasa aJehovha anoshamisa kunofanira kuita kuti tiite sei? (Jobho 37:14) [w06-CA 3/15 p. 16 ndima 4]