Zvokutaura Maererano neMagazini
Nharireyomurindi December 1
“Munobvuma here kuti vabereki vanorera vana vari voga vanowanzoomerwa nezvinhu kupfuura zvinoita vabereki vanenge vari vaviri? [Murege apindure.] Bhaibheri rinotikurudzira kuva nehanya nevaya vane matambudziko. [Verenga Pisarema 41:1.] Nyaya inotangira papeji 22 inotsanangura kuti tingaratidza sei kuti tine hanya nevabereki vanorera vana vari voga.”
Awake! December
“Vakawanda vakabvunza kuti, ‘Kana Mwari ariko ari kuregererei kuparadza Dhiyabhorosi?’ Makambozvibvunzawo kudaro here? [Murege apindure.] Mubvunzo uyu unopindurwa neBhaibheri munyaya iyi iri papeji 10 ne 11. Inotiudzawo zvichange zvakaita nyika kana Dhiyabhorosi asisipo.” Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.
Nharireyomurindi January 1
“Vanhu vakawanda vanofunga kuti munda weEdheni hauna kumbovako. Zvingakushamisai here kuziva kuti Jesu akataura nezvaAdhamu naEvha sevanhu chaivo? [Murege apindure. Zvadaro verenga Mateu 19:4-6.] Magazini ino inopindura mibvunzo inowanzobvunzwa nezvemunda weEdheni.”
Awake! January
Muratidze musoro wemagazini yacho uye bvunza kuti, “Mungapindura sei mubvunzo uyu? [Murege apindure.] Magwaro anokurudzira vanhu kuti vave norugare. [Verenga Jakobho 3:17.] Saka nei zvitendero zvisina kuita kuti vanhu vabatane? Zvitendero zvichazombokwanisa kuita kuti pave norugare here? Magazini ino inopa mhinduro dzemibvunzo iyi.”