Zviziviso
◼ July naAugust: Vaparidzi vangashandisa chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 rinenge riripo pane ari pasi apa: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. A Book For All People, A Satisfying Life—How to Attain It, uye Midzimu Yevakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here? Shandisai mabhurocha akawandisa anenge aripo. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edzai kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pamunoshanya kekutanga. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana munhu akaratidza kuti anofarira mashoko edu, govera turakiti raUngada Kuziva Chokwadi Here? wobva waedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri.