Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna May: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Pamunoshanyirazve vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo kana kuti mumwewo wemisangano yedu asi vasingapindi nguva dzose, edzai kugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Chinangwa chacho chinofanira kuva chokutanga kudzidza Bhaibheri muchishandisa bhuku iroro. June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? July naAugust: Vaparidzi vangashandisa chero bhurocha ripi zvaro rinenge riripo.
◼ Kana ukaronga rwendo uye uchida kunopinda misangano yeungano, kana kuti magungano mune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kubazi rinoona nezvebasa munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeBhuku Regore rino.
◼ Tinoda kuyeuchidza vanyori veungano kuti vanofanira kukurumidza kutitumira Mushumo Webasa Romumunda Weungano kuti usvike kuno panozosvika musi wa20 wemwedzi unotevera. Somuenzaniso mushumo wenyu waMay 2009 unofanira kusvika kuno panozosvika June 20, 2009 uye unofanira kuva wezvakaitwa neungano kubvira pana May 1 kusvika kuna May 31, 2009. Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa mwedzi woga woga.