RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/08 p. 8
  • Uri Kushandisa Bhuku Rinonzi Kurangarira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kushandisa Bhuku Rinonzi Kurangarira Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudzwa Kunoitwa Mano Okufunga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Kushanda Ndima Inowanzofukidzwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 12/08 p. 8

Uri Kushandisa Bhuku Rinonzi Kurangarira Here?

1. Muapostora Pauro naJesu vaidzidzisa sei vamwe?

1 Muapostora Pauro akaedza ‘kukurukura achishandisa Magwaro.’ (Mab. 17:2, 3; 18:19) Paaidaro, aitevedzera Jesu uyo aigara achitaura mashoko ari muMagwaro uye achishandisa mienzaniso kuti abatsire vaimuteerera kunzwisisa zvinodiwa naMwari. (Mat. 12:1-12) Bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro rakagadzirirwa kutibatsira kuti tiitewo saizvozvo.

2. Ungashandisa sei Kurangarira pakugadzirira mashoko okusuma anoshanda?

2 Kugadzirira Mashoko Okusuma Anoshanda: Kurangarira muMagwaro rine mashoko okusuma pamapeji 9-15 anoita kuti munhu ade kudzidza zvakawanda zvomuBhaibheri. Kudzidzira uye kushandisa mashoko okusuma akasiyana-siyana, kunyanya mundima yamunowanzoparidzira, kuchaita kuti uzive nzira dzakawanda dzokusuma uye zvichakubatsira kutaura zvakakodzera kuvanhu vaunoparidzira uye uchava nyanzvi pakutanga kukurukura nevanhu. Mashoko okusuma anogona kuverengwa zvakananga kubva mubhuku iri kana muchiparidzira nefoni kana kuti muchitaura paindakomu pamunenge muchiparidzira mudzimba dzinochengetedzwa zvikuru.

3. Zvii zviri pamapeji 16-24 muna Kurangarira zvingatibatsira muushumiri?

3 Zvokutaura Kana Vanhu Vachiramba: Wadii kufanogadzirira mapinduriro aungaita vanoramba kukurukura vari mundima yenyu nokudzokorora kwemaminitsi mashoma mazano ari pamapeji 16-21? Ungasangana here nevaBhudha, vaHindu, vaJudha kana kuti vaMuslim? Kana zvakadaro, ungabatsirwa nemashoko ari pamapeji 21-24.

4. Tingashandisa sei Kurangarira kana tikabvunzwa mubvunzo kana kuti pakaita nyaya inomutsa nharo?

4 Kupindura Mibvunzo: Kurangarira rinogonawo kutibatsira kana tikabvunzwa mubvunzo kana kuti pakaita nyaya inomutsa nharo. Unogona kuudza munhu wacho kuti unoda kumuratidza mamwe mashoko nezvenyaya yacho wobva watora bhuku rinonzi Kurangarira. Sezvo nyaya dzacho dzakarongwa maererano nearufabheti, vhura pane musoro waunofunga kuti une mashoko aunoda. Zvadaro tarisa mibvunzo yakanyorwa nemabhii matema-tema. Kana usiri kukurumidza kuona mashoko auri kutsvaka, enda kuindekisi. Paunongowana mashoko auri kuda, averenge kubva mubhuku racho. Kana muine rugwaro rwamuri kukurukura, unogona kubatsirwa kana ukaenda papeji 445 pane musoro unoti, “Magwaro Anowanzoshandiswa Zvisinokufanira.”

5. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira pakushandisa Kurangarira?

5 Zvimwe Zvarinoshanda: Vamwe vanochengeta bhuku iri kubasa kana kuti kuchikoro kuti vazorishandisa kupindura mibvunzo yakadai seyokuti, ‘Nei musingachengeti mazororo?’ Vana vokuchikoro vakabatsirwa nemashoko ari pasi pemisoro inoti, “Chisiko” uye “Mhindumupindu” (kushanduka-shanduka) pavaiita basa ravo rokuchikoro. Uchashanyira munhu anorwara kana kuti akafirwa here? Unogona kuwana Magwaro angavanyaradza pasi pomusoro unoti, “Kurudziro.” Kurangarira rinobatsirawo vaya vanenge vachigadzirira hurukuro kana kuti vanoitisa musangano webasa romumunda.

6. Chinangwa chedu pakuparidzira ndechei?

6 Patinoparidzira, chinangwa chedu hachisi chokuratidza kuti tinogona nharo; kana kuti chokungoudza vanhu mashoko. Tinoda kunyatsokurukura navo nounyanzvi tichishandisa Magwaro. Patinonyatsoshandisa bhuku rinonzi Kurangarira, tinenge tichiramba tichichenjerera kudzidzisa kwedu.—1 Tim. 4:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe