Zviziviso
November 2008: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. December: Govera bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana vanhu vakati vane vana, vape bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. January 2009: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochenuruka kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1992 asati asvika. February: Govera rimwe remabhuku anotevera, kana aripo, Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
◼ Vaparidzi vose vasati vazadza kadhi ravo redurable power of attorney (DPA) vari kukurudzirwa kuti vadaro. Kadhi iri rinodzivirira kodzero yako yokuramba kuwedzerwa ropa. Vakuru vachabatsira mumwe nomumwe anenge achida kubatsirwa.—Ona wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006.
◼ Zvinokosha kuti hofisi yebazi igare nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Kana paine zvinenge zvachinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, rosaina, uye rokurumidza kutumira fomu rinonzi Kuchinja Kwekero yoMutariri Anotungamirira/yoMunyori (S-29) kuhofisi yebazi. Izvi zvinosanganisira kuchinja kwearea code. Tingadawo nhamba dzeserura dzehama idzi kana vainadzo. Kana kuti kana Mutariri Anotungamirira uye Munyori vasina nhare kana serura, vangatipa dzimwewo nhamba dzatinogona kushandisa pakutaura navo.