Kana Saimba Achitaura Mumwe Mutauro
1. Nei zviri kuramba zvichinyanya kukosha kuti ungano dzinzwisisane padzinenge dzichishanda mundima imwe chete?
1 Pasi rose, vaparidzi voUmambo vava kugara vachiwana vanhu vanofarira asi vanotaura mitauro isiri yeungano yavo. Kuti vanhu vakadaro vabatsirwe mune zvokunamata, mapazi akawanda ari kuona zvakakodzera kuti aronge mapoka uye ungano dzemimwe mitauro. Sezvo mitauro yakati wandei ingataurwa munharaunda imwe chete, ungano dzemitauro yakasiyana dzingaparidza mundima imwe chete. Ungano idzodzo dzingashanda sei pamwe chete kuitira kuti dziparidze zvakarongeka?—1 VaK. 14:33.
2. Pakuparidza paimba neimba, tingashanda sei pamwe chete neboka kana kuti ungano yemumwe mutauro?
2 Kunzwisisana: Kana muparidzi achigovera magazini mumugwagwa kana kuti achiparidza zvisina kurongwa, anofanira kusununguka kutaura nechero munhu, kusanganisira vaya vangave vachitaura mimwe mitauro, opa munhu bhuku romutauro waanofarira. Zvisinei, kana ari paimba neimba munharaunda inoparidzwawo neboka kana ungano yemumwe mutauro, muparidzi anofanira kutsvaka vaya vanotaura mutauro weungano yake. Kana ungano dzemitauro yakasiyana dzichiparidza munharaunda imwe chete, zvinokosha zvikuru kuchengeta zvinyorwa zvakarurama. Vatariri vebasa vanofanira kutaurirana vachibvumirana uye vofambisa zvinhu nenzira yakarongeka. (Zvir. 11:14) Zvisinei, kana muparidzi akasangana nemunhu anotaura mumwe mutauro ari paimba neimba uye pasina ungano dzomutauro iwoyo dziri pedyo, anofanira kuedza kumuparidzira oramba achimubatsira.
3. Tinofanira kuita sei kana tikasangana mundima imwe chete nevaparidzi veboka kana veungano yemumwe mutauro?
3 Basa Nderimwe: Zvinhu zvinofanira kufambiswa sei kana zvikaitika kuti vaparidzi veungano dzakasiyana vasangana mundima imwe chete? Chokwadi, rudo rwechiKristu ruchaita kuti tisatarise kusiyana kwemitauro, asi kuti tose tive nehanya nevanhu vari mundima. (Joh. 13:34, 35) Nokudaro, vaya vanenge vachitungamirira vacharatidza kuti vanonzwisisa uye vane rudo pavachasarudza kuti boka rimwe romboenda kune imwe ndima.—Jak. 3:17, 18.
4. Uprofita hupi huri kuzadzika nhasi?
4 Bhaibheri rakaprofita kuti vanhu vemitauro yakasiyana-siyana vaizonzwa mashoko akanaka. (Zvak. 14:6, 7) Vanhu vose vakashanda pamwe chete zvakanaka, zvichaita kuti vaparidzi vemitauro yakasiyana vasaparidzire vanhu vamwe chete uye vatsva vakawanda vachasvikwa nemashoko akanaka, kusanganisira vaya vanotaura mumwe mutauro.—VaEf. 4:16.