RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/08 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 6/08 p. 7

Zviziviso

Mabhuku achagoverwa muna June: Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu kana kuti Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Ungano dzisina mabhuku aya dzingagovera bhuku rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi.

July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza chaizvo kuwana vanhu vokudzidza navo Bhaibheri pakushanya kwokutanga. Kana vanasaimba vachitova nebhuku iri, varatidze kuti vangabatsirwa sei naro nokuvaratidza kudzidzwa kwarinoitwa.

◼ Sezvo August aine kupera kwevhiki kushanu, ungava mwedzi wakanaka chaizvo wokuva piyona webetsero kunyanya kana usiri kuzopinda gungano mwedzi iwoyo.

◼ Mumwe munhu anosarudzwa nomutariri anotungamirira anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaMarch, April, naMay. Kana izvi zvaitwa, ungano inofanira kuziviswa pashure pemushumo weakaunzi unotevera.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).

◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu okukumbira kuva piyona wenguva dzose anofanira kusvika kuBazi anenge mazuva 30 musi wokutanga usati wasvika. Munyori weungano anofanira kuongorora mafomu acho kuti aone kana akazadziswa zvakakwana. Kana ari kuda kuva piyona asisazivi musi waakabhabhatidzwa, ngaanyore zuva raanofunga kuti ndiro orichengeta rakanyorwa pane imwe nzvimbo. Munyori anofanira kunyora zuva iri paChinyorwa Chomuparidzi Cheungano (S-21).

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe