Zviziviso
January 2008: Chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika ringagoverwa. Ungano dzisina mabhuku iwayo dzingagovera Zivo (kana riripo) kana kuti Rambai Makarinda! February: Is There a Creator Who Cares About You? kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. April: Nharireyomurindi neAwake! Tinofanira kuedza kushanyira vanhu vatsva vanofarira vanenge vauya kuChirangaridzo uye kuhurukuro inokosha asi vanenge vasingapindi misangano yeungano. Chinangwa chokuvashanyira chinofanira kunge chiri chokudzidza Bhaibheri nevaya vanenge vasati vava kudzidza.
◼ Sezvo mwedzi waMarch uine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanakisisa kuita upiyona hwebetsero.
◼ Kutanga muna February uye March 2 asati asvika, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichange ichiti, “Ungawana Kupi Rubatsiro Munguva Yokutambudzika?”
◼ Ungano dzinofanira kuita urongwa hwakafanira kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi woMugovera, March 22, zuva ranyura. Kunyange zvazvo hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, zviratidzo hazvifaniri kutanga kupfuudzwa kusvikira zuva ranyura. Bvunzai vezvemamiriro okunze vokwenyu kuti muone nguva inonyura zuva munharaunda yenyu. Ungano imwe neimwe inofanira kuedza kuchengeta Chirangaridzo iri yoga. Zvisinei, hapasi pose pazvinoita. Kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe chete kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, tinokurudzira kuti purogiramu dzacho dzinge dzakaparadzana nemaminitsi asiri pasi pe40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nokushamwaridzana pashure peChirangaridzo. Panofanira kufungwawo nezvokuwanda kwemotokari mumugwagwa uye pokudzipaka, kusanganisira kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti urongwa hupi hungava hwakanyanya kunakira ungano yavo.
◼ Vanyori veungano vanofanira kuva nechokwadi chokuti vane tsamba yokugadzwa kwapiyona (S-202) yapiyona wenguva dzose mumwe nomumwe ari muungano. Kana vasina, vanofanira kunyorera hofisi yebazi.
◼ Kutanga nevhiki yaAugust 4, 2008, tichange tava kudzidza bhuku rinonzi Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha paChidzidzo Chebhuku Cheungano.
◼ Vakuru veungano vane Imba yoUmambo yakavakwa panzvimbo yehurumende vanofanira kuva nechokwadi chokuti mutero wegore negore wabhadharwa nenguva kuzviremera zvakakodzera. Dare revakuru reungano imwe neimwe inoshandisa imba yacho rinofanira kuva nechokwadi chokuti rine makopi ose emagwaro epamutemo eimba yacho mufaira reungano. Tapota taurai neDhipatimendi Rokuvakwa kweDzimba dzoUmambo riri kuhofisi yebazi kana mukava nezvinetso pakuwana magwaro aya.