Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga na, December 31, 2007. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaNovember 5 kusvika kune ya, December 31, 2007.
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Ipfungwa dzipi dzatinofanira kuyeuka kuti tive nechokwadi chokuti tataura mashoko okugumisa nenzira inobudirira? [be-CA p. 220 ndima 4–p. 221 ndima 3]
2. Tingava sei nechokwadi chokuti zvatinotaura muushumiri hwomumunda zvakarurama? [be-CA p. 223 ndima 2-4]
3. Patinopa hurukuro pamisangano yeungano, tingaratidza sei kuti tinokoshesa basa reungano se“mbiru nechinhu chinotsigira chokwadi”? (1 Tim. 3:15) [be-CA p. 224 ndima 1-4]
4. Nei zvakakosha kuti tiongorore kuvimbika kwemashoko edu uye tingazviita sei? [be-CA p. 225 ndima 1-2]
5. Patinodzidzisa, tingaita sei kuti mashoko edu anzwisiswe nevamwe zviri nyore? [be-CA p. 226 ndima 3–p. 227 ndima 1]
HURUKURO NHA. 1
6. Chii chinoratidza kuti nhoroondo yaJona ndeyechokwadi? [si-CA p. 153 ndima 3]
7. Uprofita hupi huri muna Mika hunotaura nezvokutonga kwoUmambo hwaMwari kunoitwa naKristu Jesu? [si-CA p. 158 ndima 18]
8. Chii chinoratidza kuti bhuku raHabhakuki rakafuridzirwa naMwari? [si-CA p. 161 ndima 4]
9. Nei zvinganzi pakasvika 520 B.C.E. vaJudha vakanga vasati vapedza zvavaifanira kuita vabva kuutapwa? (Hag. 1:4) [si-CA p. 166 ndima 3]
10. Zekariya anodzokorora kutaura nezvezuva guru ripi? [si-CA p. 172 ndima 26]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Uprofita hwaJoeri hwemakonye nezvipembenene zvakapinda nesimba hwakazadzika sei muzana rokutanga remakore uye huri kuzadzika sei nhasi? (Joe. 2:1-10, 28) [w07-CA 10/1p. 12 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi”]
12. “Tswanda yemichero yezhizha” yairevei? (Amo. 8:1, 2) [w07-CA 10/1p. 14 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana mumaBhuku aJoeri naAmosi”]
13. Jehovha ‘akazvidemba mupfungwa ipi pamusoro pedambudziko raakanga ataura kuti raizoitika kuvaNinivhi,’ uye izvi zvinofanira kuita kuti tinzwe sei? (Jona 3:10) [w03-CA 7/15 pp. 17-18]
14. Kufamba muzita raJehovha zvinorevei? (Mika 4:5) [w03-CA 8/15 p. 17 ndima 19]
15. Jehovha akauya “mutemberi” yake kuti atonge munguva ino riini uye sei? (Mar. 3:1-3) [re-CA p. 32 bhokisi; jd-CA p. 179 ndima 3–p. 181 ndima 6]