Zviziviso
◼ November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana munhu akati haana vana, govera bhurocha rinonzi Rambai Makarinda! December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Ungagoverawo Swedera Pedyo naJehovha kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. January 2008: Chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Ungano dzisina mabhuku iwayo dzingagovera Zivo (kana riripo) kana kuti Rambai Makarinda! February: Is There a Creator Who Cares About You? kana kuti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.
◼ Sezvo December aine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanaka zvikuru kuita upiyona hwebetsero.
◼ Kune mabhuku anotsanangura Bhaibheri akagadzirwa pachifungwa nezvokupupurira vanhu vane zvimwe zvitendero kana kuti tsika. Hama inotarisira mabhuku ine mazita emabhuku aya.
◼ Vaparidzi vose vari kukurudzirwa kuzadzisa kadhi ravo reDPA kana vanga vasati vadaro. Kadhi iri rinochengetedza kodzero yako yokuramba kuwedzerwa ropa. Vakuru vachapa rubatsiro runenge ruchidiwa.—Ona wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006.
◼ Vaparidzi havachafaniri kunyora fomu reMushumo Wechidzidzo (S-3) pakushuma vanhu vavanodzidza navo Bhaibheri. Zvisinei, vachiri kufanira kuratidza nhamba yezvidzidzo zvavakaitisa pachikamu chiri paMushumo Webasa Romumunda (S-4). Kutanga iye zvino, fomu reS-3 rava kungoshandiswa kushuma nhamba yevanenge vapinda misangano yeungano chete.
◼ Panowanzova nezviziviso zvinokosha muUshumiri Hwedu hwoUmambo zvinotaura nezvemaitirwo ezvinhu uye kuodha mabhuku. Hama dzinotarisira mabhuku dzinofanira kunyatsonzwisisa zviziviso zvakadaro kana dzangogamuchira Ushumiri Hwedu hwoUmambo kuitira kuti dzibve dzaita zvinenge zvaziviswa.
◼ Tinoda kuyeuchidza vaparidzi kuti mabhuku eBraille anodhura zvikuru. Isuwo tinofanira kunzwa tichida kupa mari patinotora mabhuku aya. Munyori weungano paanoongorora Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14), anofanira kuva nechokwadi chokuti mabhuku aya ari kudiwa nevaparidzi kana kuti vanhu vari kufambira mberi pakudzidza Bhaibheri. Anofanira kuratidza zvakajeka pafomu racho kuti anyatsoongorora odha yacho akaibvumira.
◼ Ungano dzingachitanga kuodha CD yakadzokororwa yemaKingdom Melodies—Volume 5.
◼ Munyori: Muparidzi paanotamira kune imwe ungano, zvinokosha kutumira NOKUKURUMIDZA tsamba yokumusuma pamwe chete nemakadhi ose aripo eChinyorwa Chomuparidzi Cheungano (S-21). Munyori weungano itsva anofanira kukurumidza kukumbira zvinyorwa izvozvo. Kana munyori weungano yakabva muparidzi achitoziva kero yekwaakatamira, hapana chikonzero chokumirira kuti atange anyorerwa, asi anofanira kubva angozvitumira.
◼ Mukuru kana mushumiri anoshumira akatamira kune imwe ungano dare revakuru rekwaakabva richimurumbidza kuti arambe achishumira, mazita ake ose anofanira kunyorwa zvakazara. MUSANYORA MABHII OKUTANGA CHETE. Dare reungano itsva rinofanirawo kutevedzera izvi parinonyorera bazi richimurumbidza.
◼ MaCompact Disc Matsva Aripo:
Mwari Anodei Kwatiri?—Xhosa uye Zulu
Vavarira Zvinangwa Zvinokudza Mwari—Chichewa
Ndiani Waunoteerera?—Chichewa
◼ MaDVD Ane Mitauro Yakasiyana-siyana Aripo:
Young People Ask—How Can I Make Real Friends?—Chirungu
Organized to Share Good News uye Whole Association of Brothers—Chirungu
To the Ends of the Earth uye United by Divine Teaching—Chirungu.
Iyi iDVD imwe chete iri kutsiva mavhidhiyo maviri aiti To the Ends of the Earth uye United by Divine Teaching sezvo asisabudiswi. Ungano dzingatanga kuodha DVD itsva iyi.