RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/07 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 7/07 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pakushanya kwokutanga. Kana vanasaimba vaine bhuku iri, ratidza kuti vangabatsirwa sei naro nomuenzaniso mupfupi wemadzidzire amungaita Bhaibheri. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza uye kurukura turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda nezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu.

◼ Sezvo September uine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanakisisa kuita upiyona hwebetsero.

◼ Kutanga muna September, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti, “Chii Chinoratidza Kuti Bhaibheri Nderechokwadi?”

◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu ebasa roupiyona hwenguva dzose atumirwe kuhofisi yebazi anenge mazuva 30 musi wokutanga basa usati wasvika. Munyori anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa cheBasa choMuparidzi (S-21).

◼ Tinofara kukuzivisai nezvenhamba dzenhare dzamunogona kushandisa kufonera hofisi yebazi: Nhamba dzefax dzinoti: 04-307246; 04-307247. Nhamba dzenhare: 04-332137, 04-332138, 04-300726; 04-300753. Nhamba dzeserura: 023-289-797; 0912-472-403; 0912-472-404. Tapota onai kuti nhamba dzinotevera hadzisisiri dzeBazi: 011-604-892, 0912 850 834 ne0912 850 835.

◼ Kuchinja Kwegungano Reruwa:

Gungano Reruwa reHarare South: Rachinjirwa kuMbare Netball Stadium pedyo neStodart Hall. Misi yacho haina kuchinja.

◼ Tinofara kukuzivisai kuti kubvira pakatanga chirongwa choKuvakwa kweDzimba dzoUmambo kusvika muna April wegore rino, Dzimba dzoUmambo 370 dzakavakwa dzikapera muZimbabwe. Tinoonga ungano dzose nokutsigira kwadzirikuita Homwe yeDzimba dzoUmambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe