Tinofara Kushanda Nesimba Mubasa raJehovha!
1 Muapostora Pauro akafara no“kushandiswa zvizere” kuti aite ushumiri hwake hwechiKristu. (2 VaK. 12:15) Kunyange mazuva ano vaKristu vakawanda vanobishaira semapiyona. Vamwe vane mhuri dzakakura dzokutarisira vanowana nguva yokuitawo ushumiri vhiki yoga yoga kunyange zvazvo vaine purogiramu ine zvakawanda zvokuita. Vamwe vane zvinetso zvoutano zvakakomba vanoshandisa simba ravo shoma kuita kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi. Zvinokurudzira zvikuru kuona vanhu vaJehovha vachishanda nesimba mubasa rake pasinei nezera kana kuti mamiriro ezvinhu!
2 Kuda Muvakidzani: Kuita zvose zvatinogona kuti tishumire Jehovha tichiratidza kuti tinoda Mwari uye muvakidzani, kunoita kuti tive nehana yakachena. Nokuti Pauro akapa mweya wake kuti azivise mashoko akanaka, aigona kutaura achifara kuti: “Ndinokushevedzai kuti mupupurire iro zuva ranhasi kuti ndakachena paropa revanhu vose.” (Mab. 20:24, 26; 1 VaT. 2:8) Kuita ushumiri sezvingabvumirwa nemamiriro edu ezvinhu kuchaita kuti tisava nemhaka yeropa.—Ezek. 3:18-21.
3 Tinowana mufaro kana tikashanda nesimba kuti tibatsire vamwe. (Mab. 20:35) Imwe hama yakati: “Pandinodzokera kumba manheru ndapedza zuva rose ndichishumira Jehovha, chokwadi ndinenge ndarukutika. Asi ndinofara uye ndinoonga Jehovha nokundipa mufaro usingagoni kutorwa nomumwe munhu.”
4 Kuda Mwari: Chikonzero chinokosha zvikuru chinoita kuti tishande nesimba mubasa raJehovha ndechokuti zvinoita kuti Baba vedu vokudenga vafare. Kuda Mwari kunoita kuti tichengete mirayiro yake, inosanganisira kuparidzira nokuita vadzidzi. (1 Joh. 5:3) Kunyange vanhu vakaisa zvimiti munzeve kana kushora, tichafara kuramba tichishandira Jehovha nesimba.
5 Ino haisi nguva yokudembedza maoko. Tiri kurarama munguva yokukohwa. (Mat. 9:37) Murimi anowanzoshanda maawa akawanda munguva yokukohwa nokuti ane nguva shoma yokuunganidza goho rake risati rakanganisika. Nguva yatiinayo yokukohwa mune zvokunamata ishomawo. Tichifunga nezvenguva yatiri kurarama mairi, ngatipfuurirei kushanda nesimba muushumiri.—Ruka 13:24; 1 VaK. 7:29-31.