RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/07 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 5/07 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Nharireyomurindi neAwake! Pakudzokerazve kune vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti zvimwe zviitiko zvine chokuita nokunamata asi vasingawadzani neungano nguva dzose, edza chaizvo kugovera Bhaibheri Rinombodzidzisei?, uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri navo. June: Mufarwa Wemhuri. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari.

◼ Cheki dzemari yezvipo yebasa romunyika yose dzinopiwa pamagungano eruwa uye dzinotumirwa kuhofisi yebazi dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower.”

◼ Matare evakuru anofanira kudzokorora tsamba yaJuly 6, 2006, inotaura nezvokugadzirira njodzi uye kuva nechokwadi chokuti vane kero uye nhamba dzenhare dzakarurama dzevaparidzi. Uyewo kunze kwemamiriro ezvinhu ane ngozi, zvinobatsira kuti vaparidzi vakurukurirane nomutariri wavo weChidzidzo Chebhuku Cheungano kana kuti mumwe wevakuru kuti vachange vasipo kwenguva refu zvakadai sokumboenda kuzororo, kufambira zvebhizimisi, kugara muchipatara, nezvimwewo.

◼ Kusvika iko zvino, ungano dzave dzichiodha The Emphatic Diaglott neThe Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures. Zvisinei, tapota onai kuti The Emphatic Diaglott harichawanikwi. Kubva zvino zvichienda mberi The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures ndiro rinogona kuodhwa.

◼ Kutanga nevhiki yaSeptember 24, tichange tichiverenga bhuku reBhaibheri raDhanieri paChikoro chaMwari Choushumiri. Tinokurudzira kuti bhuku roUprofita hwaDhanieri rishandiswe pamwe chete nemamwe mabhuku pakutsvakurudza. Kana muchiada munogona kuodha neungano paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14).

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!—(Mabhii Makuru)—Shona

◼ MaCompact Disc Matsva Aripo:

Imbirai Jehovha Rumbidzo—MP3—Chirungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe