Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Pakudzokerazve kune vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti zvimwe zviitiko zvine chokuita nokunamata asi vasingawadzani neungano nguva dzose, edza chaizvo kugovera Bhaibheri Rinombodzidzisei?, uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri navo. June: Mufarwa Wemhuri. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai!”, Utatu, uye Zita raMwari.
◼ Kutanga muna April mabheji egungano reruwa a2007 achangotumirwa neodha dzemabhuku. Hatifaniri hedu kuaodha. Kana ungano ichida mamwe mabheji inofanira kuaodha paFomu Rokuodha Mabhuku eUngano (S-14). Zvibatiso zvepurasitiki zvinofanira kuodherwa vaya vanenge vachizvida vari muungano.
◼ Vanyori vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Mafomu aya anogona kuodhwa paFomu Rokuodha Mabhuku eUngano (S-14). Chengetai anenge anokwana gore rose. Musati matumira mafomu ose okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose kuhofisi yebazi, ivai nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana.
◼ Zvakafanira kuti hofisi yebazi igare nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Pose pazvinochinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, rosaina, uye rokurumidza kutumira fomu rinonzi Kuchinja Kwekero yoMutariri Anotungamirira/yoMunyori (S-29) kuhofisi yebazi. Izvi zvinosanganisira kuchinja kwenhamba yomunharaunda yenyu yorunhare.
◼ Zvirongwa zvako zvokufamba pazvinosanganisira kupinda misangano yeungano, gungano redunhu, kana kuti gungano roruwa kune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kuhofisi yebazi iyo inotarisira basa racho munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeYearbook yegore rino.
◼ Vamwe vakabvunza kana zvichitenderwa kuti vaitire vamwe vari muungano makopi eWatchtower Library CDROM, kana kuti kubvumira vamwe kuisa purogiramu yacho vozodzorera muridzi CDROM yake. Rezenisi remvumo rinobuda pakuisa purogiramu yacho uye riri paApendikisi yeMashoko Okukubatsira pakushandisa purogiramu iyi rinoti hazvibvumirwi. Hama nehanzvadzi dzinokurudzirwa kuzviwanira Watchtower Library yadzo nokuungano.