Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naMarch 5, 2007. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 5 kusvika kune yaApril 30, 2007. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Tingaita sei kuti pepa redu rehurukuro rirambe riri nyore? [be-CA p. 168 ndima 3]
2. Taura nzira ina dzatingakurukura nadzo mashoko zvakatevedzana. [be-CA p. 170 ndima 3–p. 172 ndima 4]
3. Zvii zvatinofanira kufunga nezvazvo patinosarudza zvokutaura muhurukuro? [be-CA p. 173 ndima 1-2]
4. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira kana tikakurukura tisingaiti zvokuverenga? [be-CA p. 175 ndima 3-5]
5. Nei kuita zvokukurukurirana kuchikosha, uye tingadzidzira sei unyanzvi uhwu? [be-CA p. 179 ndima 4, bhokisi; p. 180, bhokisi]
HURUKURO NHA. 1
6. Munhu anofanira kugadzirira sei paanopiwa hurukuro yepfungwa huru dzinobva pakuverenga Bhaibheri vhiki nevhiki? [be-CA p. 47 ndima 3-4]
7. Chii chinonyanya kukosha nezvorudzikinuro rwaKristu kupfuura kubatsirwa kwatinoitwa narwo? [w05-CA 11/1 p. 14 ndima 1]
8. Magwaro ari muhurukuro yavose anofanira kushandiswa sei? [be-CA p. 53 ndima 1-2]
9. Chinangwa chaJesu somudzidzisi chaiva chei, uye tingamutevedzera sei? [be-CA p. 57 ndima 1]
10. Nei kusiyanisa kuchibudirira pakudzidzisa? [be-CA p. 57 ndima 3-4]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Tingaedza sei kushandisa zano riri pana Jeremiya 6:16 rokuti tifambe “mumigwagwa yekare, apo zvino pane nzira yakanaka”?
12. Nei Jehovha akasarudza shuramurove sechinhu chokudzidzisa vaJudha vasina kutendeka, uye tingadzidzei mune izvi? (Jer. 8:7)
13. Tingashandisa sei Jeremiya 15:17 pamaonero atinoita nhandaro mazuva ano?
14. Vanhu vakaita sei sevhu riri mumaoko oMuumbi Mukuru, Jehovha? (Jer. 18:5-11)
15. Kutevedzana kwemanyorerwe akaitwa marudzi pana Jeremiya 25:17-26 kunorevei muzuva redu?