RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/07 p. 1
  • Tevedzera Kristu Muushumiri Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Kristu Muushumiri Hwako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Ushumiri hwechiKristu—Basa Redu Guru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 2/07 p. 1

Tevedzera Kristu Muushumiri Hwako

1 Jesu akatisiyira muenzaniso wokuti titevedzere muushumiri hwedu. Kuda kwake Mwari nevanhu zvakadzama kwakaratidzwa kakawanda uye munzira dzakawanda. Akadzidzisa vanyoro chokwadi uye akaitira vaitambudzika nevaya vaitarisirwa pasi mabasa omutsa worudo.—Mat. 9:35.

2 Muenzaniso uye Dzidziso dza Jesu: Jesu haana kutsauswa nokupindira mune zvematongerwo enyika kana kuti kumboita mabasa okubatsira vanhu munzanga achiitira kuti ive nani. Haanawo kubvumira kuti zvimwe zvinangwa zvakanaka zvaaigona kuita zvimutsause kana kuti zvive panzvimbo yokutanga kudarika basa rake guru. (Ruka 8:1) Airamba achiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuti ndihwo bedzi hwaizopedza zvachose zvinetso zvevanhu. Jesu aiva nebasa guru rokuita asi nguva yokuriita yaiva shoma. Vanhu vokuKapenaume pavaida kuti Jesu arambe ainavo, akati kuvadzidzi vake: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo . . . kuti ndiparidze ikokowo, nokuti ndakauyira izvozvo.”—Mako 1:38.

3 Adzidzisa vadzidzi vake, Jesu akavatuma achivapa mirayiridzo iyi yakananga yokuti: “Paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mat. 10:7) Akadzidzisa vateveri vake kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvinofanira kuva pokutanga muupenyu hwavo. (Mat. 6:33) Mashoko okupedzisira aJesu kuvadzidzi vake asati akwira kudenga akajekesa zvavaifanira kuita. Akati: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.”—Mat. 28:19.

4 Kukosha kwoUmambo: Musoro mukuru wezvaikurukurwa naJesu waiva Umambo hwaMwari, uye akakurudzira vadzidzi vake kutevera muenzaniso wake. Kuedza kwevanhu kugadzirisa zvinetso zvevanhu hakubudiriri. (Jer. 10:23) Umambo hwaMwari chete ndihwo huchatsvenesa zita raMwari uye ndihwo huchaunza ruyamuro rwechigarire kuvanhu. (Mat. 6:9, 10) Kudzidzisa chokwadi nezvoUmambo kuvanhu vari “kuchema nokugomera pamusoro pezvinhu zvose zvinosemesa zviri kuitwa” kunovabatsira kuti vararame upenyu hunofadza, hunobudirira iye zvino uye kubatisisa tariro chaiyo yeramangwana.—Ezek. 9:4.

5 Jesu anoramba achibatanidzwa mukuparidzirwa kwemashoko akanaka oUmambo hwaMwari, uye anovimbisa kutitsigira. (Mat. 28:20) Ushumiri hwedu hunosvika papi kana tichienzanisa nomuenzaniso watakasiyirwa naJesu? (1 Pet. 2:21) Mumazuva ano okupedzisira anokosha, ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuti tinyatsotevedzera muenzaniso wakasiyiwa naJesu woushumiri!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe