Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanasaimba vakati havana vana, govera turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? kana kuti rimwe rakakodzera. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana kuti chero rimwe remabhuku anotevera: Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, uye Kurarama Nokusingaperi kana muinawo. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Kana ungano yenyu isina mabhuku akadaro ekare, shandisa bhuku raZivo kana kuti bhurocha raRambai Makarinda! February: Swedera Pedyo naJehovha kana kuti chero mabhuku akawandisa pane amuinawo ekare.
◼ Vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge ichakurukurwa paMusangano Webasa muna January. Kana muchiida, vaya vane DVD player kana VCR vanofanira kuisa odha yeDVD kana kuti yekaseti yacho nokuungano nokukurumidza sezvavangagona.
◼ Kana munyori akagamuchira fomu rakazadzwa rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) kubva kuvaparidzi veungano, anofanira kukurumidza kuritumira kuungano kana kuti kuboka rakakodzera, kwete kuhofisi yebazi. Kana munyori asingazivi kuti iungano kana kuti iboka ripi rinofanira kugamuchira fomu racho kana kuti asina kero yacho, angafonera Dhipatimendi Rebasa kuhofisi yebazi kuti awane mashoko anodiwa. Hazvina hazvo basa kuti muudze mutariri weguta pamunenge muchitumira fomu racho. Pose apo ungano kana kuti boka rinogamuchira fomu rakazadzwa rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu, urongwa hunofanira kuitwa kuti munhu wacho ashanyirwe nokukurumidza. Tapota onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2005 peji 6, ndima 4, 5.
◼ Mabhuku eBraille: Uku kunongova kuyeuchidza vanhu vose kuti mabhuku eBraille anodhura zvikuru kugadzira. Munyori paanosaina Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14), anofanira kuva nechokwadi chokuti mabhuku aya ari kuodherwa vaparidzi, kana kuti vanhu vanofarira nomwoyo wose vanoratidza kufarira kwacho nokudzidza Bhaibheri kana kuti nokugara vachipinda misangano.
◼ Vatarisiri Vemabhuku: Vamwe vakabvunza kuti ndirini pavanofanira kutumira Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14) kuti mabhuku avo azouya nenguva. Tapota zivai kuti zvinotora dzinenge vhiki nhanhatu kusvika kusere kubva patinogamuchira togadzira uye tozotumira odha yenyu kuti muzoigamuchira. Tinodawo kuti muzive kuti odha dzenyu dzemabhuku dzinoitwa nebazi reSouth Africa.
◼ Vatarisiri Vemagazini: Vamwe vakabvunza kuti ndirini pavanofanira kuendesa odha dzavo dzemagazini okuwedzera ebasa rinokosha muna March, April naMay 2007. Kazhinji odha chaidzo dzinofanira kutumirwa inenge mwedzi mina musi wokugovera usati wasvika. Somuenzaniso, odha dzemagazini aMarch dzinofanira kunge dzatumirwa panozosvika November 1, odha dzeaApril pana December 1, zvichingodaro. Kana odha ikagamuchirwa pashure pokunge nhamba yemagazini anoda kudhindwa yatovapo, ingazoiswa pane odha dzemagazini anozotevera sezvo tisingakwanisi kuvimbisa kuti achavapo here. Angazotumirwawo musi waaidiwa watopfuura. Hatidi kuisa odha nguva yapera zvokuti anozotumirwa zvava zvokumhanya-mhanya. Tichifunga nezveizvi, tapota kurumidzai kuisa odha dzenyu.
◼ Hofisi yebazi inofara zvikuru kugamuchira zvakaitika mubasa romumunda zvinofadza uye zvinokurudzira. Izvi zvingava zvakaitika pakutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu, kubatsirwa kwakaitwa vanhu kuti vasiye kunamata kwenhema vogamuchira kunamata kwechokwadi, kukurira kushorwa, nezvimwewo. Tapota inzwai makasununguka kunyora zvakaitika zvacho mumutauro chero upi zvawo mukuru womunyika muno, kureva kuti, Chirungu, Shona, kana kuti Zulu. Tapota ipai zvakaitika zvacho kune mumwe ari mudare rebasa reungano yenyu kuti aone kuti zvose zvinodiwa zviripo zvisati zvatumira kubazi.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?—Macua