Mubatsire Kuyemura Unhu hwaJehovha Husina Anahwo
1 Muushumiri hwedu, hatingodzidzisi vamwe chokwadi cheBhaibheri. Tinobatsira vanhu kuti vazive kuti Jehovha munhu voratidza kuonga kwavo unhu hwake husina anahwo. Vanhu vane mwoyo yakatendeseka pavanodzidza chokwadi nezvaMwari, chinovachinja chaizvo, zvichiita kuti vagadzirise upenyu hwavo ‘kuti vafambe zvakakodzera Jehovha, vamufadze kwazvo.’—VaK. 1:9, 10; 3:9, 10.
2 Bhuku Redu Idzva Rinobatsira Pakudzidzisa: Kubva kwokutanga chaiko, bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rinotaura nezvounhu hwaJehovha. Chitsauko chokutanga chaicho chinopindura mibvunzo yokuti: Mwari ane hanya newe zvechokwadi here?, Mwari akaita sei?, uye Zvinoita here kuti uswedere pedyo naMwari? Chitsauko ichocho chinotaurawo nezvoutsvene hwaJehovha (ndima 10), kururamisira kwake netsitsi dzake (ndima 11), rudo rwake (ndima 13), simba rake (ndima 16), uye ngoni nenyasha dzake, kuva kwake anoda kukanganwira, kushivirira, nokuvimbika kwake (ndima 19). Ndima 20 inopedzisa nyaya yacho ichiti: “Kana ukadzidza zvakawanda nezvaJehovha, iye achavawo munhu chaiye kwauri uye uchavawo nechikonzero chokumuda zvakanyanya uye kunzwa uri pedyo naye.”
3 Tingashandisa sei bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kuti tibatsire vadzidzi kuswedera pedyo naJehovha? Patinenge takurukura ndima inotaura nezvohumwe unhu hwaMwari, tingabvunza mudzidzi kuti, “Izvi zvinokuudza chii nezvaJehovha somunhu” kana kuti “Izvi zvinoratidza sei kuti Mwari anokufarira iwe pachako?” Nokumboshandisa mibvunzo yakadaro patinenge tichidzidza, tinodzidzisa vadzidzi vedu kufungisisa pamusoro pezvavari kudzidza tovabatsira kuwedzera kuyemura kwavanoita unhu hwaJehovha husina anahwo.
4 Shandisa Bhokisi Rokudzokorora: Panoperera chitsauko chimwe nechimwe, kumbira mudzidzi kutaura nemashoko ake oga pfungwa imwe neimwe iri mubhokisi rakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri.” Kurukura naye magwaro arimo. Kuti uzive zviri mumwoyo womudzidzi, dzimwe nguva ungabvunza kuti, “Munonzwa sei pamusoro pezvinodzidziswa neBhaibheri papfungwa iyi?” Paunoita kudaro, haungosimbisi pfungwa huru dzechitsauko chacho chete asiwo unonyatsoona zvinodavirwa nomudzidzi wacho. Izvi zvichabatsira mudzidzi kutanga kuva noukama naJehovha.