RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/06 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 5/06 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingapindi neungano nguva dzose, edza kugovera bhuku idzva raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Chinangwa chinofanira kuva chokutanga kudzidza bhuku racho. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raMufarwa Wemhuri. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Sezvo mwedzi waJuly uine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanakisisa kuita upiyona hwebetsero.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waJune 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yokuvaka, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.

◼ Hofisi yebazi inofanira kugara iine kero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Pose pazvinochinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, rosaina, uye rokurumidza kutumira kuhofisi yebazi fomu rinonzi Kuchinja Kwekero yoMutariri Anotungamirira/yoMunyori (S-29). Izvi zvinosanganisira kuchinja kwekodhi yeguta yorunhare.

◼ Tinoda kushandisa mukana uno kuti tionge vose vaya vakakwanisa kutora upiyona hwebetsero muna April. Vamwe vaparidzi vakawedzera basa ravo romumunda panguva iyoyo, vachitsigira vaya vakanga vari mapiyona ebetsero. Tinokuongai zvikuru nokutsigira chikamu ichi choushumiri hwedu chinoita kuti vakawanda vanofarira vanzwe mashoko oUmambo. Kana mutariri wedunhu achizoshanyira ungano yenyu musi waAugust 31, 2006, usati wasvika, vaya vanokwanisa kutora upiyona hwebetsero mumwedzi iwoyo vane imwe ropafadzo yokupinda chikamu chokutanga chomusangano wemapiyona. Wadii kushandisa ropafadzo iyi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe